Bheni-Hadhadhi Anokomba Samaria
Bheni-Hadhadhi anoda sirivha yaAhabhi, vakadzi vake nevana vake, uye Israeri vanomukunda kaviri sezvakanga zvavimbiswa naBaba vedu kubudikidza nomuprofita. Asi Ahabhi anodana mambo akakundwa kuti hama yake omurega achienda, uye muprofita azvishandura anoteya Ahabhi kuti azvitongere iye pachake.
20 1Bheni-Hadhadhi mambo weAramu akaunganidza hondo yake yose—madzimambo makumi matatu namaviri aiva naye, pamwe chete namabhiza nengoro. Akakwira, akakomba Samaria, akairwisa. 2Akatuma nhume muguta kuna Ahabhi mambo weIsraeri, achiti, “Zvanzi naBheni-Hadhadhi: 3‘Sirivha yako negoridhe rako ndezvangu, uye vakadzi vako navana vako vakanaka kupfuura vose ndevangu.’”
4Mambo weIsraeri akapindura akati, “Sezvamunoreva, ishe wangu mambo: ndiri wenyu, nezvose zvandinazvo.”
5Nhume dzakadzoka dzikati, “Zvanzi naBheni-Hadhadhi: ‘Ndakatuma shoko kwauri ndichikubvunza sirivha negoridhe rako, vakadzi vako navana vako. 6Asi nenguva inenge ino mangwana ndichatuma varanda vangu kuti vanzvere muzinda wako nedzimba dzavaranda vako, vachabata vagotakura zvose zvaunokoshesa.’”
7Mambo weIsraeri akadana vakuru vose venyika akati, “Onai zvakanaka kuti murume uyu anotsvaka nyonganiso. Akatumira shoko achida vakadzi vangu, vana vangu, sirivha yangu negoridhe rangu, uye handina kumurambira.”
8Vakuru vose navanhu vose vakati kwaari, “Musamuteerera kana kumutendera.”
9Saka akati kunhume dzaBheni-Hadhadhi, “Udzai ishe wangu mambo kuti, ‘Zvose zvamakatanga kukumbira muranda wenyu ndichazviita, asi chikumbiro ichi handigoni kuchiita.’” Nhume dzakaenda dzikatakura mhinduro yake.
10Ipapo Bheni-Hadhadhi akatumira shoko achiti, “Vamwari ngavandirange zvakaomarara kana guruva reSamaria rikasara rakakwana kuti mumwe nomumwe wavanditevera awane tsama.”
11Mambo weIsraeri akapindura akati, “Muudzei kuti, ‘Munhu anosunga nhumbi dzake dzokurwa ngaarege kuzvikudza somunhu adzibvisa.’”
12Bheni-Hadhadhi namadzimambo vachinwa mumatende avo, akanzwa izvi akarayira varume vake achiti, “Gadzirirai kurwisa,” ivo vakazvigadzirira kurwisa guta.
Baba vedu Vanopa Ahabhi Kukunda
13Zvino muprofita akauya kuna Ahabhi mambo weIsraeri akati, “Zvanzi naBaba vedu: Unoona hondo huru iyi here? Nhasi ndichaiisa muruoko rwako, uye uchaziva kuti ndini Baba vako.”
14Ahabhi akabvunza akati, “Nani?” Muprofita akapindura akati, “Zvanzi naBaba vedu: Namajaya avatungamiri vematunhu.” Ahabhi akati, “Ndiani achatanga kurwa?” Iye akati, “Ndiwe.”
15Saka Ahabhi akadana majaya avatungamiri vematunhu—aiva mazana maviri namakumi matatu navaviri. Ipapo akadana vakasara, vaIsraeri vose—zviuru zvinomwe pamwe chete. 16Vakabuda masikati makuru, Bheni-Hadhadhi namadzimambo makumi matatu namaviri aaibatana nawo vachidhakwa mumatende avo. 17Majaya avatungamiri vematunhu akabuda pakutanga. Bheni-Hadhadhi akanga atuma vasori, vakamuudza vachiti, “Kune varume vari kubuda muSamaria.”
18Iye akati, “Kana vabuda kuzotsvaka rugare, vabatei vari vapenyu; kana vabuda kuzorwa, vabatei vari vapenyu.”
19Majaya avatungamiri vematunhu akabuda muguta, hondo ichivatevera shure. 20Murume mumwe nomumwe akauraya wavaikwikwidzana naye. VaAramu vakatiza, vaIsraeri vachivadzingirira, asi Bheni-Hadhadhi mambo weAramu akapukunyuka ari pamusoro pebhiza pamwe chete navamwe vaitasva mabhiza. 21Mambo weIsraeri akafamba mberi akakunda mabhiza nengoro, akauraya vaAramu vazhinji kwazvo. 22Gare gare muprofita akauya kuna mambo weIsraeri akati, “Simbisa nzvimbo yako ufunge nyatsa zvaunofanira kuita, nokuti kana chirimo chinouya mambo weAramu achakurwisazve.”
23Panguva iyoyo machinda amambo weAramu akati kwaari, “Vamwari vavo vamwari vamakomo; ndokusaka vakatikunda. Ngatirwe navo panzvimbo yakati sandara, zvirokwazvo tichavakunda. 24Ita izvi: bvisa madzimambo ose pakutungamira kwawo ugoisa vamwe machinda panzvimbo yawo. 25Unganidza hondo yakaita seyaya wakarasikirwa nayo—bhiza nebhiza, ngoro nengoro—ugorwa navaIsraeri pabani. Ipapo zvirokwazvo tichava nesimba kupfuura ivo.” Iye akavateerera akaita saizvozvo.
26Chirimo chakatevera Bheni-Hadhadhi akaunganidza vaAramu akakwira kuAfeki kundorwa navaIsraeri. 27VaIsraeri pavakaunganidzwa vagopiwa mbuva, vakabuda kundosangana navo. VaIsraeri vakadzika misasa yavo vakatarisana navo seboka duku maviri embudzi, asi vaAramu vakazadza nyika.
28Munhu waMwari akauya kuna mambo weIsraeri akati, “Zvanzi naBaba vedu: Nokuti vaAramu vanofunga kuti Jehovha mwari wezvikomo, kwete wemipata, ndichaisa hondo huru iyi yose muruoko rwako, uye uchaziva kuti ndini Baba vako.”
29Kwamazuva manomwe vakadzika misasa yavo vakatarisana; pazuva rechinomwe hondo yakatanga. Zuva rimwe chete vaIsraeri vakauraya varwi vetsoka vaAramu zviuru zana. 30Vakasara vakatizira muAfeki, uko rusvingo rwakawira pamusoro pavo zviuru makumi maviri nezvinomwe. Bheni-Hadhadhi akatizira muguta akahwanda mukamuri romukati.
31Varanda vake vakati, “Takanzwa kuti madzimambo eimba youmambo yaIsraeri ane tsitsi. Ngatiende kuna mambo weIsraeri takamonera nguo dzokuchema muzviuno zvedu netambo mumisoro yedu; zvimwe angaregerera upenyu hwenyu.”
32Saka vakamonera masaga muzviuno zvavo netambo mumisoro yavo, vakauya kuna mambo weIsraeri vakakumbira zvikuru, “Muranda wenyu Bheni-Hadhadhi anoti, ‘Ndapota regai ndirarame.’” Iye akapindura akati, “Achiri mupenyu here? Ihama yangu.”
33Varume vaya vakazvitora sechiratidzo chakanaka vakakurumidza kubata shoko rake. Vakati, “Hongu, hama yako Bheni-Hadhadhi!” Mambo akati, “Endai, mumutore.” Saka Bheni-Hadhadhi akabuda, Ahabhi akaita kuti akwire mungoro.
34Bheni-Hadhadhi akati, “Ndichadzosera maguta akatorwa nababa vangu kuna baba vako, uye ungazvigadzirira nzvimbo dzako dzemusika muDhamasiko, sezvakaitwa nababa vangu muSamaria.” Ahabhi akati, “Nemisungo iyi ndichakusunungura.” Saka akaita sungano naye akamuregedza aende.
Muprofita Anopikisa Mambo
35Neshoko raBaba vedu mumwe wavanakomana vavaprofita akati kushamwari yake, “Ndapota ndirove.” Asi murume uya akaramba kumurova.
36Muprofita akati, “Nokuti hauna kuteerera inzwi raBaba vedu, pauchangobva pandiri shumba ichakuuraya.” Murume uya paakabva, shumba yakamuwana ikamuuraya.
37Muprofita akawana mumwe murume akati, “Ndapota ndirove.” Saka murume uya akamurova akamukuvadza.
38Ipapo muprofita akamira parutivi rwenzira akamirira mambo, akazvivanza nebhandeji pamusoro pameso ake. 39Mambo paakanga achipfuura, muprofita akadanidzira akati, “Muranda wenyu akapinda pakati pehondo, uye murume akatsauka, akandivigira musungwa, akati, ‘Rinda murume uyu. Kana akanyangarika, upenyu hwako huchatsiva hwake, kana kuti uchabhadhara mapaundi makumi manomwe namashanu esirivha.’ 40Muranda wenyu paakanga akabatikana apa neapo, murume uya akabva atsakatika.” Mambo weIsraeri akati, “Ndiwo mutongo wako; wazvisarudzira iwe pachako.”
41Muprofita akakurumidza kubvisa bhandeji kumeso ake, mambo weIsraeri akamuziva kuti mumwe wavaprofita.
42Iye akati kuna mambo, “Zvanzi naBaba vedu: Nokuti wasunungura murume wandakanga ndatsaurira kuparadzwa, upenyu hwako huchatsiva upenyu hwake, vanhu vako vachatsiva vanhu vake.”
43Akagumbuka uye akatsamwa, mambo weIsraeri akaenda kumba akadzokera kuSamaria.