Baba vedu Havambokundikani
Kana munhu wose ane mhosva, ropafadzo yaIsraeri yakanga isina basa here? Kwete — asi hapana anosunungurwa, uye Pauro anounganidza mashoko eMagwaro kuti ataure izvozvo. Shanduko inouya pandima yemakumi maviri neimwe: pasina murayiro, Baba vedu vanoruramisa pachena kubudikidza naKristu, saka kuzvikudza hakuchina pokumira.
3 1Ko zvino muJudha ane rubatsiro rwei? Kana kuti kudzingiswa kunobatsirei? 2Zvizhinji munzira dzose. Kutanga, vakapiwa mashoko chaiwo aBaba vedu. 3Zvino kudiniko? Kana vamwe vakasava nokutendeka, kusatendeka kwavo kuchakonesa kutendeka kwaBaba vedu here? 4Kwete! Baba vedu ngavave vechokwadi, kunyange munhu wose ari murevi wenhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Munopupurirwa kururama mumashoko enyu, uye munokunda pamunotongwa.”
5Asi kana kutadza kwedu kuchiratidza pachena kururama kwaBaba vedu, tichatiiko? Ko Baba vedu havana kururama here pavanotiuyisira hasha? (Ndinotaura nomutauriro wavanhu.). 6Kwete napadiki! Nokuti dai zvakadaro Baba vedu vaizotonga sei nyika? 7Asi kana nhema dzangu dzichiwedzera chokwadi chaBaba vedu kuti vakudzwe, neiko ndichiri kutongwa somutadzi? 8Uye neiko tisingati, sezvatinopomerwa navamwe kuti tinodaro, “Ngatiite zvakaipa kuti zvakanaka zviuye”? Kutongwa kwavo kwakavafanira.
Hakuna Akarurama
9Zvino kudiniko? Ko isu tiri nani here? Kwete napaduku—nokuti tatopa mhosva yokuti vaJudha navaGiriki vose zvakafanana vari pasi pechivi, 10sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe chete; 11hakuna anonzwisisa; hakuna anotsvaka Baba vedu. 12Vose vakatsauka; pamwe chete vava vasina maturo; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe chete. 13Huro dzavo iguva rakashama; vanonyengera nendimi dzavo.” “Uturu hwenyoka huri pasi pemiromo yavo. 14Miromo yavo izere nokutuka nokuvava. 15Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; 16kuparara nenhamo zviri munzira dzavo, 17uye nzira yorugare havana kuiziva. 18Hakuna kutya Baba vedu pamberi pameso avo.”
19Tinoziva kuti zvose zvinotaura murayiro zvakanangana naavo vari pasi pawo, kuitira kuti miromo yose inyaradzwe uye nyika yose ive nemhosva pamberi paBaba vedu. 20Hakuna acharuramiswa pamberi pavo namabasa omurayiro; nokuti murayiro unouyisa ruzivo rwechivi.
Kururamiswa Nokutenda muna Jesu
21Asi zvino, kunze kwomurayiro, kururama kwaBaba vedu kwaratidzwa, kuchipupurirwa noMurayiro navaProfita. 22Kururama uku kwaBaba vedu kunouya nokutenda muna Jesu Kristu, kuvose vanotenda, nokuti hapana musiyano, 23nokuti vose vakatadza uye vanoperewa nokubwinya kwaBaba vedu, 24uye vanoruramiswa pachena nenyasha dzavo kubudikidza nedzikinuro iri muna Kristu Jesu. 25Baba vedu vakamuisa sechibayiro chokuyananisa, kubudikidza nokutenda muropa rake, kuti varatidze kururama kwavo, sezvo mukushivirira kwavo vakanga vakadarika zvivi zvakaitwa kare, 26kuti varatidze kururama kwavo iko zvino, kuti vave vakarurama uye mururamisi weani naani anotenda muna Jesu.
27Zvino kuzvikudza kuripi? Kwabviswa. Nomurayiro upi? Wamabasa here? Kwete—nomurayiro wokutenda. 28Nokuti tinosimbisa kuti munhu anoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurayiro. 29Kana kuti Baba vedu ndivo Baba vavaJudha chete here? Havazi Baba vavaHedheni wo here? Hongu, Baba vavaHedheni wo, 30sezvo Baba vedu vari mumwe chete, vacharuramisa vakadzingiswa nokutenda navasina kudzingiswa kubudikidza nokutenda.
31Ko tinokonesa murayiro nokutenda uku here? Kwete napaduku—tinosimbisa murayiro.