Kuvava kwoMweya
Achitaura zvakananga kuna Mwari, Jobho anobvunza kuti mhosva yacho chii. Maoko akamudurura somukaka akamupfekedza ganda zvino ava kumuvhima seshumba. Anokumbira chete kuti asiyiwe kwechinguva asati aenda kunyika yerima.
10 1“Ndasemburwa noupenyu hwangu. Ndichasunungura chichemo changu; ndichataura mukuvava kwomweya wangu. 2Ndichati kuna Mwari: Musandipa mhosva; ndizivisei kuti munondirwisirei. 3Zvinokufadzai here kumanikidza, kuzvidza basa ramaoko enyu muchifarira mano avakaipa? 4Mune meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here? 5Mazuva enyu akafanana nemazuva omunhu anofa here, kana makore enyu akaita samakore omunhu, 6zvokuti munotsvaka mhosva yangu muchivhima chivi changu, 7kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye hakuna angandinunura muruoko rwenyu?
8“Maoko enyu akandiumba akandigadzira, chikamu chimwe nechimwe changu, zvino matendeuka muchindiparadza. 9Rangarirai kuti makandiumba sebumba. Zvino muchandidzosera kuguruva here? 10Hamuna kundidurura somukaka here mukandigwambisa sechizi, 11mukandipfekedza ganda nenyama, mukandirukanidza pamwe chete namapfupa namarunda? 12Makandipa upenyu norudo rwesungano, uye kuchengeta kwenyu kwakarinda mweya wangu.
13“Asi makaviga izvi mumwoyo wenyu, uye ndinoziva kuti ichi ndicho chaiva chinangwa chenyu: 14kana ndaitadza, maindicherechedza uye hamaizondisunungura pamhosva yangu. 15Kana ndine mhosva, ndine nhamo ini! Uye kunyange ndisina mhosva, handikwanisi kusimudza musoro wangu—ndizere nenyadzi, ndakanyura mukutambudzika kwangu. 16Kana ndikasimudza musoro wangu, munondivhima seshumba uye munopamhazve kundiitira zvinoshamisa. 17Munouya nezvapupu zvitsva zvinorwisana neni uye munodurura hasha dzenyu zhinji pandiri; masaisai amatambudziko anorwisana neni.
18“Saka makandibudisireiko mudumbu? Dai ndakafa ziso risati randiona. 19Ndingadai ndakaita somunhu asina kumbovapo, ndichitakurwa ndichibva mudumbu ndichiendeswa kuguva. 20Ko mazuva angu haasi mashoma here? Ibvai kwandiri, ndisiyei ndoga, kuti ndiwane kanguva kokunyaradzwa, 21ndisati ndaenda kunzvimbo isingadzokwi, kunyika yerima nomumvuri wakadzika, 22kunyika yokusviba kwakaita sousiku hwakasviba kwazvo, yomumvuri wakadzika nenyonganiso, umo kunyange chiedza chakaita serima.”