Matambudziko Manomwe Okupedzisira
Avo vakaramba chikara vamire parutivi pegungwa regirazi vachiimba rwiyo rwaMozisi norweGwayana, vachiti nzira dzaBaba vedu dzakarurama uye ndedzechokwadi. Ngirozi nomwe dzinobuda dzakapfeka rineni rinopenya dzine ndiro nomwe, uye utsi hunozadza temberi zvokuti hapana angapinda kusvikira dzadururwa.
15 1Ndakaona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru uye chinoshamisa: vatumwa vanomwe vakabata matambudziko manomwe okupedzisira, nokuti maari hasha dzaBaba vedu dzakapedziswa.
2Ndakaona chinhu chakanga chakaita segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto, uye pedyo naro pakanga pamire avo vakanga vakunda chikara, nomufananidzo wacho, nenhamba yezita racho, vakabata mbira dzaibva kuna Baba vedu. 3Uye vakaimba rwiyo rwaMozisi, muranda waBaba vedu, norwiyo rwaJesu, Gwayana: “Mabasa enyu makuru uye anoshamisa, Imi Baba Changamire Wamasimba Ose! Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, Mambo wamarudzi! 4Ndiani asingazokutyai, imi Baba, nokukudza zita renyu? Nokuti ndimi moga mutsvene. Marudzi ose achauya kuzonamata pamberi penyu, nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.”
5Shure kwaizvozvo ndakatarira, temberi, iro tende rechapupu, ikazaruka kudenga. 6Vatumwa vanomwe vakanga vane matambudziko manomwe vakabuda mutemberi, vakapfeka micheka yakachena inopenya, vaine mabhanhire egoridhe akapoteredza zvipfuva zvavo.
7Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzegoridhe dzakazara nehasha dzaBaba vedu, ivo vanorarama nokusingaperi-peri. 8Utsi hwaibva mukubwinya kwaBaba vedu nomusimba ravo hwakazadza temberi; hapana aigona kupinda mairi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.