Hasha dzaBaba Dzinoparadza Ziyoni
Mudetembi anodudza akaita izvi. Baba Changamire vakakunga uta, vakayera rusvingo vasati varuputsa, vakava somuvengi kuna Ziyoni. Vana vanofira mumaoko avanamai vavo. Hapana chinogadziriswa; nhetembo inongoda kuti Baba vedu vatarire uye vafunge.
2 1Haiwa Baba Changamire mukutsamwa kwavo vakafukidza mwanasikana Ziyoni negore! Vakakanda pasi kubva kudenga kusvika panyika kubwinya kwaIsraeri; havana kurangarira chitsiko chetsoka dzavo pazuva rehasha dzavo. a a v1 Chitsiko chetsoka dzavo: temberi yeJerusarema, nzvimbo yapanyika pakanga pachigara kuvapo kwaMwari. 2Baba Changamire vakamedza pasina tsitsi dzimba dzose dzaJakobho; mukutsamwa kwavo vakaputsa nhare dzomwanasikana Judha. Vakawisira pasi mukunyadziswa umambo hwake navatongi vahwo. 3Mukutsamwa kukuru vakatorera Israeri simba rake rose; vakadzosa shure ruoko rwavo rworudyi vakavasiya vakashama pamberi pomuvengi. Vakapfuta muna Jakobho somoto unopfuta unoparadza kumativi ose. 4Vakakunga uta hwavo somuvengi, ruoko rwavo rworudyi rwakagadzirira somuvengi; uye vakauraya vose vakanga vakanaka pakuonekwa. Mutende romwanasikana Ziyoni vakadurura hasha dzavo somoto. 5Baba Changamire vakava somuvengi; vakamedza Israeri. Vakamedza dzimba dzake dzose dzoushe vakaparadza nhare dzake, uye vakawanza kuchema nokuungudza pamusoro pomwanasikana Judha. 6Vakaputsa dumba ravo sebindu, vakaparadza nzvimbo yavo yakatarwa. Baba vedu vakaita kuti Ziyoni ikanganwe mutambo wakatarwa nesabata, uye mukutsamwa kwavo kukuru vakazvidza mambo nomupristi. 7Baba Changamire vakaramba aritari yavo, vakarasa nzvimbo yavo tsvene; vakaisa mumaoko omuvengi masvingo edzimba dzake dzoushe. Vakadanidzira muimba yaBaba vedu sapazuva romutambo. 8Baba vedu vakafunga zvokuparadza rusvingo rwomwanasikana Ziyoni. Vakatambanudza rwonzi rwokuyera; havana kudzora ruoko rwavo pakuparadza. Vakaita kuti chidziviriro norusvingo zvicheme; pamwe chete zvakawa zvikaparara. 9Masuo ake akanyura muvhu; vakaparadza vakavhuna mazariro ake. Mambo wake namachinda ake vari pakati pamarudzi; murayiro hauchipo, uye vaporofita vake havachawani chiratidzo chinobva kuna Baba vedu. 10Vakuru vomwanasikana Ziyoni vakagara pasi vakanyarara; vakakanda guruva pamisoro yavo vakafuka masaga okuchema. Mhandara dzeJerusarema dzakakotamisira misoro yadzo pasi. 11Meso angu aneta nokuchema; mukati mangu munotambudzika; mwoyo wangu wadururwa pasi nokuda kwokuparadzwa kwomwanasikana wavanhu vangu, vana navacheche pavanopera simba mumigwagwa yeguta. 12Vanochema kuna vanamai vavo, “Chingwa newaini zviripi?” pavanopera simba savakakuvadzwa mumigwagwa yeguta, upenyu hwavo huchidururwa mumaoko avanamai vavo. 13Ndingati chiiko pamusoro pako, ndingakuenzanisa nei, mwanasikana Jerusarema? Ndingafananidza chii newe, kuti ndikunyaradze, mhandara mwanasikana Ziyoni? Nokuti kuparadzwa kwako kwakakura segungwa; ndiani angakuporesa? 14Vaporofita vako vakakuonera zviratidzo zvenhema nezvinonyengera; havana kubudisa pachena mhosva yako kuti vadzosere pfuma yako, asi vakakuonera zvirevo zvenhema nezvinotsausa. 15Vose vanopfuura vanokuombera maoko; vanoridza muridzo vachidzungudza misoro yavo pamusoro pomwanasikana Jerusarema, vachiti: “Ndiro guta here raidaidzwa kunzi runako rwakakwana, mufaro wenyika yose?” 16Vavengi vako vose vanoshamisa miromo yavo kurwisa iwe; vanoridza muridzo vachirumanya meno avo vachidanidzira vachiti, “Tamumedza iye! Ndiro zuva ratakanga takashuva; tariwana, tariona!” 17Baba vedu vakaita zvavakanga varonga; vakazadzisa shoko ravo ravakaraira kare. Vakaputsa pasina tsitsi; vakarega muvengi achifara pamusoro pako uye vakasimudza simba ravavengi vako. 18Mwoyo wavanhu wakachema kuna Baba Changamire. Iwe rusvingo rwomwanasikana Ziyoni, misodzi ngaiyerere sorwizi masikati nousiku! Usazvipa zororo, meso ako arege kuzorora. 19Simuka, chema usiku pakutanga kwenguva dzose dzokurinda usiku! Dururura mwoyo wako semvura pamberi paBaba Changamire! Simudzira maoko ako kwavari, uchikumbirira upenyu hwavana vako, vanopera simba nenzara pamakona ose emigwagwa. 20Tarirai, Baba vedu, mufunge: ndiani wamakamboitira saizvozvi? Vakadzi vangadya zvibereko zvavo here, vana vavakarera? Mupristi nomuporofita vangaurayirwa here munzvimbo tsvene yaBaba Changamire? 21Vaduku navakuru vavete pasi mumigwagwa; mhandara dzangu namajaya angu vawa nomunondo. Makavauraya pazuva rehasha dzenyu, muchivauraya pasina tsitsi. 22Makadana, sapazuva romutambo, zvinotyisa kumativi ose; uye pazuva rehasha dzaBaba vedu hapana akapukunyuka kana kupona. Muvengi wangu akaparadza vandakarera ndikavakudza.