Yadhindwa

Jobho 39 FHB Father's Heart Bible™

BabaJesuMweya
15% mutengo unoderedzwa paodha yenyu yokutanga →
Bhuku

Ndiani Akasunungura Mbongoro Yomusango?

Mibvunzo inoenderera mberi ichipfuura nomumhuka dzesango dzisingadi kutarirwa nomunhu: mbudzi dzomumakomo dzichizvara dziri dzoga, mbongoro yomusango inozvidza guta, mhou inokanganwa mazai ayo, bhiza rinoseka kutya, gondo riri padombo raro. Hapana chimwe chazvo chiripo kuti chibatsire Jobho.

Chitsauko 39.

“Unoziva here nguva inozvara mbudzi dzomumakomo? Unotarira here nhoro padzinozvara? Ungaverenga here mwedzi yadzinotakura vana vadzo? Unoziva here nguva yadzinozvara? Dzinokotama dzigozvara vana vadzo; marwadzo adzo okuzvara apera. Vana vadzo vanokura vachisimba musango rakashama; vanoenda vasingadzoki.

“Ndiani akasunungura mbongoro yomusango? Ndiani akasumunura tambo dzembongoro inomhanya, iyo yandakapa renje kuti rive musha wayo nenyika yomunyu kuti ive ugaro hwayo? Inoshora ruzha rweguta uye haitongonzwi kudaidzira kwomuchairi. Inofambafamba mumakomo ichitsvaka mafuro ayo, ichitsvaka zvinhu zvose zvinyoro.

“Nʼombe yomusango ingada here kushandira iwe here? Ingavata here usiku padivi pechidyiro chako? Ungasunga here nʼombe yomusango pamuforo netambo? Ingarima here mipata ichikutevera? Ungavimba nayo here nokuti simba rayo iguru? Ungasiyira basa rako kwairi here? Ungaitenda here kuti idzose zviyo zvako uye izviunganidze paburiro rako?

“Mapapiro emhou anopapama nomufaro, asi ko aya minhenga namapapiro eshuramurove here? Inosiya mazai ayo pasi ichiarega achidziyirwa muguruva, ichikanganwa kuti rutsoka rungaapwanya, kana mhuka yomusango ingaatsika-tsika. Inobata vana vayo nehasha, sokunge vasiri vayo; haitongotyi kuti basa rayo rakanga riri pasina, nokuti ndakaita kuti ikanganwe uchenjeri uye handina kuipa mugove wokunzwisisa. Asi painosimuka ichimhanya, inoseka bhiza nomutasvi waro.

“Ndiwe unopa bhiza simba raro here? Ndiwe unofukidza mutsipa waro nezenze rinopepereka here? Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu here? Kupfakanya kwaro kunodada kunotyisa. Rinotimba pasi mumupata richifarira simba raro; rinomhanyira kundorwa. Rinoseka kutya uye harivhunduki; haridzokeri shure nokuda kwomunondo. Goba remiseve rinorira pariri, pamwe nepfumo rinopenya nebakatwa. Nehasha huru richipenga, rinomedza ivhu; harigoni kumira pakarinzwa kurira kwehwamanda. Pakurira kwehwamanda rinoti, ‘Ahaa!’ Rinonhuhwidza kurwa kuri kure, nokutinhira kwavatungamiriri vehondo nomumhururu wehondo.

“Ko iko kunzwisisa kwako kunoita kuti rukodzi rubhururuke ruchitambanudzira mapapiro arwo kumaodzanyemba here? Ko kurayira kwako kunoita kuti gondo rikwire kumusoro rigovaka dendere raro pakakwirira here? Rinogara pamawere richiita musha waro ipapo, pamusoro pedombo, panhare yaro. Riripo rinotsvaka zvokudya zvaro; meso aro anozviona zviri kure. Vana varo vanonwa ropa, uye kwose kune vakaurayiwa, ndiko kwariri.”