Misodzi Isina Munyaradzi
Mudzidzisi anoona kudzvinyirirwa kusina munyaradzi uye anoti vakafa vari nani pane vapenyu. Godo ndiro rinosundira basa rakawanda. Asi vaviri vari nani pane mumwe: mumwe wokukusimudza kana wawira, kukudziyisa, kumira akasimba. Kunyange mambo anodiwa nevanhu anokurumidza kusadiwa.
4 1Ndakatarisazve ndikaona kudzvinyirira kwose kunoitwa pasi pezuva: vakadzvinyirirwa vakanga vachichema, pasina munhu wokuvanyaradza; vadzvinyiriri vavo vakanga vakabata simba, asi pasina munyaradzi. 2Saka ndakati vakafa, vakanga vatofa, vanofara kupfuura vapenyu, vachiri kurarama. 3Asi uyo asati aberekwa ari nani kupfuura vose vari vaviri, iye asati aona zvakaipa zvinoitwa pasi pezuva. 4Ndakaona kuti kushanda kwose nounyanzvi hwose zvinobva pagodo romunhu kumuvakidzani wake. Naizvozviwo hazvigari, kutevera mhepo. 5Benzi rinopeta maoko aro richizviparadza. 6Tsama imwe ine runyararo iri nani kupfuura tsama mbiri dzine kutambudzika nokutevera mhepo.
7Ndakaonazve chimwe chinhu chisingagari pasi pezuva:
8Pane murume ari oga, asina shamwari, asina mwanakomana kana mununʼuna; basa rake harina magumo, asi meso ake haatomboguti nepfuma. Anobvunza achiti, “Ndiri kushandira ani,” iye achiti, “ndichizvinyima zvakanaka?” Izviwo imhepo—basa rakaipa.
9Vaviri vari nani kupfuura mumwe oga, nokuti vane mubairo wakanaka pakushanda kwavo: 10Kana mumwe akawa, mumwe wacho anomusimudza. Asi ane nhamo uyo anowa ari oga, asina munhu wokumusimudza. 11Uyezve, kana vaviri vakarara pamwe chete, vanodziyirwa. Asi mumwe oga angadziyirwa sei? 12Mumwe ari oga angakundwa; asi vaviri vanogona kuramba vakamira. Tambo ine mabuko matatu haidamburwi nokukurumidza.
Jaya Rakachenjera naMambo Benzi
13Jaya rinoshaya rakachenjera riri nani kupfuura mambo akwegura, benzi, asingachazivi kuteerera yambiro. 14Jaya iri ringangodaro rakabva mujeri kuti ritonge, kana kuti rakaberekerwa mu umambo ihwohwo riri murombo. 15Ndakaona vapenyu vose vanofamba-famba pasi pezuva vachitevera jaya iri, rinozotsiva mambo pachigaro. 16Vanhu vose vaakanga achitungamirira vakanga vasingaverengeki. Asi avo vakazouya pashure havana kufadzwa naye. Naizvozviwo hazvigari, kutevera mhepo.