Mazuva Angu Mweya Chete
Jobho anofananidza upenyu hwake nebasa romuranda nokumirira kwemushandi wemaricho mubhadharo wake: husiku hwokukungurukana, ganda richiputika. Haazonyarari. Anoshandura pisarema kuti rive rinovava, achibvunza kuti sei Mwari achitarisisa munhu zvakadaro, uye achimukumbira kuti atarise kumwe.
7 1“Ko vanhu havana basa rinorema panyika here, uye mazuva avo haakaita seomushandi wokuhaya here? 2Somuranda anoshuva mumvuri, uye somushandi wokuhaya akamirira mubairo wake, 3saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakatarwa kwandiri. 4Pandinovata pasi ndinoti, ‘Ndichamuka riniko?’ Asi usiku hunononoka, uye ndinopinduka-pinduka kusvikira kwaedza. 5Nyama yangu yakafukidzwa nehonye nemavhinga evhu; ganda rangu rinooma, robva ratsemukazve. 6Mazuva angu anomhanya kupfuura chokuruka chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro. 7Rangarirai kuti upenyu hwangu mweya chete; handichazoonizve chinhu chakanaka. 8Ziso rinondiona zvino harichazondioni zvakare; meso enyu achava pandiri, asi ini handichazovapo. 9Segore rinopera richinyangarika, saizvozvo uyo anoburukira muguva haachadzokizve; 10haachadzokizve kumba kwake, uye nzvimbo yake haichamuzivizve.
11“Naizvozvo handingarambi ndakavhara muromo wangu; ndichataura ndichibva mukurwadziwa kwomweya wangu, ndichanyunyuta nokuvava kwomwoyo wangu. 12Ko ini ndiri gungwa here, kana chikara chegungwa, zvamunoisa murindi pamusoro pangu? 13Pandinoti, ‘Mubhedha wangu uchandinyaradza, nhovo yangu ichaderedza kunyunyuta kwangu,’ 14ipapo munondityisidzira nezviroto uye munondivhundutsa nezviratidzo, 15zvokuti ndaisarudza kudzipwa norufu panzvimbo yomuviri wangu uyu. 16Ndinopera; handingararami nokusingaperi. Ndiregei ndoga, nokuti mazuva angu mweya chete.
17“Munhu chiiko, zvamunomukoshesa kudai, uye zvamunoisa mwoyo wenyu paari, 18zvamunomushanyira mangwanani oga oga uye muchimuedza nguva dzose? 19Kusvikira riniko musati mabvisa meso enyu pandiri, mondirega ndoga kwenguva inokwana kuti ndimedze mate angu? 20Kana ndakatadza, ndakakuitirai chii, imi muchengeti wavanhu? Sei makandiita chinangwa chenyu, zvokuti ndava mutoro kwandiri ndoga? 21Sei musingandiregereri chivi changu nokubvisa mhosva yangu? Nokuti nokukurumidza ndichavata pasi muguruva; muchanditsvaka, asi ini handichazovapo.”