Chikuru Pane Izvi
Chipo chimwe nechimwe chavari kukwikwidzana nacho — ndimi, uprofita, zivo, kutenda kunobvisa makomo, kunyange kupa zvose — hachina maturo pasina rudo. Rudo runotsungirira, harurangariri zvakaipa, uye runogara kupfuura zvipo, zvinopera patichaonana chiso nechiso.
13 1Kana ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi ndisina rudo, ndava dare rinorira, nesimbi inongorira zvisina maturo. 2Kana ndine chipo chokuprofita, uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose neruzivo rwose, uye ndine kutenda kwose, kwokuti ndigone kubvisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu. 3Kana ndikapa varombo zvandinazvo zvose, uye kana ndikaisa muviri wangu kuti ndizvirumbidze, asi ndisina rudo, hapana zvandinowana.
4Rudo rune mwoyo murefu, rudo rune mwoyochena. Haruna godo, haruzvirumbidzi, haruzvikudzi. 5Haruzvibati zvisina kunaka, haruzvitsvakiri zvarwo, haruna hasha, haruchengeti pfungwa dzezvakaipa. 6Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira pamwe chete nechokwadi. 7Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose.
8Rudo harumbokundikani. Asi zviprofita zvichaguma, ndimi dzichaguma, uye ruzivo ruchapfuura. 9Nokuti tinoziva muchidimbu uye tinoprofita muchidimbu, 10asi kana zvakakwana zvichisvika, zvomuchidimbu zvichapera. 11Pandakanga ndiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana. Pandakazova murume, ndakasiya zvinhu zvoumwana. 12Nokuti iye zvino tinoona mufananidzo usina kujeka muchionioni; asi ipapo tichaonana zviso nezviso. Iye zvino ndinoziva muchidimbu; asi ipapo ndichaziva kwazvo, sokuzivikanwa kwandinoitwa kwazvo. 13Zvino iye zvino zvinhu izvi zvitatu zvinoramba zviripo: kutenda, tariro, norudo. Asi chikuru pazviri rudo.