Upenyu Hunodzoserwa paSabata
Jesu anoporesa ruoko rwakaoma neSabata, uye vaFarisi vanotanga kuronga kumuuraya. Anogadza vane Gumi naVaviri. Vanyori vanoti ane dhimoni uye mhuri yake pachayo inoti apenga; anopindura kuti ani naani anoita kuda kwaBaba vedu ndiye mhuri yake.
3 1Jesu akapindazve musinagogi, uye paiva nomurume aiva noruoko rwakawonyana. 2Vakatarisisa kuti vaone kana aizoporesa murume uyu paSabata, kuti vapomere Jesu mhosva.
3Jesu akati kumurume aiva noruoko rwakawonyana, “Simuka uuye pakati pano.” 4Ipapo akavabvunza achiti, “Zvinotenderwa here paSabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuuraya?” Asi vakaramba vakanyarara. 5Akavaringa-ringa nehasha, achishungurudzwa noukukutu hwemwoyo yavo, akati kumurume, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.
6Ipapo vaFarisi vakabuda, pakarepo vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangamuparadza sei.
Vazhinji Vanotevera Muporesi
7Jesu akaenda navadzidzi vake kugungwa; vanhu vazhinji vaibva kuGarirea vakamutevera, uyewo vaibva kuJudhea, 8vaibva kuJerusarema, kuIdhumea, mhiri kwaJorodhani, nedunhu rakapoteredza Tire neSidhoni—vakati vanzwa zvose zvaaiita, boka guru revanhu rakauya kwaari. 9Akaudza vadzidzi vake kuti vagadzirire igwa diki, nokuda kweboka revanhu, kuti varege kumutsikirira. 10Nokuti akanga aporesa vazhinji zvokuti vose vairwara vaisundidzana kuti vamubate. 11Pose payaimuona mweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake, ichidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!” 12Asi akaiyambira zvikuru kuti irege kumuzivisa.
Vane Gumi Navaviri Vanogadzwa
13Jesu akakwira mugomo akadana vaaida; vakauya kwaari. 14Akagadza vane gumi navaviri, akavatumidza kuti vapostori, kuti vave naye uye kuti avatume kundoparidza, 15uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni. 16Ava ndivo vane gumi navaviri vaakagadza: Simoni, waakatumidza zita rokuti Petro; 17Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani mununʼuna wake, avo vaakatumidza kuti Bhoanegesi, zvinoreva kuti Vanakomana veKutinhira; 18Andiriya, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifiyo, Tadheo, Simoni muZiloti, 19naJudhasi Isikarioti, uyo akamutengesa.
Umambo Husingagoni Kuwa
20Akaenda kumba; boka revanhu rakaunganazve, zvokuti iye navadzidzi vake vakatadza kunyange kudya. 21Hama dzake dzakati dzanzwa, dzakabuda kuti dzimubate, nokuti vaiti, “Apenga.” 22Vanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati, “Ana Bheerizebhubhi,” uye, “Anodzinga madhimoni nesimba romuchinda wemadhimoni.”
23Saka Jesu akavadanira kwaari akataura kwavari nemifananidzo achiti, “Satani angadzinga sei Satani? 24Kana umambo hukazvipesanisa, umambo ihwohwo hahugoni kumira. 25Uye kana imba ikazvipesanisa, imba iyoyo haigoni kumira. 26Uye kana Satani akazvipikisa akazvipesanisa, haagoni kumira; kuguma kwake kwasvika. 27Hapana munhu angapinda mumba momunhu ane simba akatora nhumbi dzake asina kutanga asunga munhu ane simba iyeye—ipapo ndipo paangapamba imba yake.
28Ndinokuudzai chokwadi, zvivi zvose nokutuka kwose kunorwisa Mwari zvicharegererwa vana vavanhu, chimwe nechimwe chavanotaura, 29asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazombowani kuregererwa; ane mhosva yechivi chisingaperi,”
30nokuti vakanga vachiti, “Ane mweya wakaipa.”
Mhuri yaBaba vedu
31Mai vake navanunʼuna vake vakasvika, vamire panze, vakatuma shoko kwaari, vachimudana. 32Boka revanhu rakanga rakagara rakamukomberedza, rikati kwaari, “Tarirai, mai venyu navanunʼuna venyu vari panze, vari kukutsvakai.”
33Akavapindura achiti, “Mai vangu navanunʼuna vangu ndivanaani?” 34Akatarisa vaya vakanga vakagara vakamukomberedza, akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu! 35Ani naani anoita kuda kwaBaba vedu ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi yangu namai vangu.”