Zuva Romuchato waMambo
Mukadzi anotsvaka mumusha une rima uyo waanoda, anobvunza varindi, ozomuwana uye haamurege kusvikira amuuyisa kumba kwamai vake. Ipapo mamwe manzwi anotarira ngoro yaSoromoni inorindwa ichiswedera, mambo akapfekedzwa korona pazuva romuchato wake.
3 1Pamubhedha wangu usiku hwose ndakatsvaka uyo anodiwa nomweya wangu; ndakamutsvaka, asi handina kumuwana. 2Zvino ndichasimuka ndifambe muguta, nomumigwagwa nomuzvivara; ndichatsvaka uyo anodiwa nomweya wangu. Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana. 3Varindi vakandiwana pavakanga vachipota-pota muguta. “Maona here uyo anodiwa nomweya wangu?” 4Ndakanga ndichangovapfuura ndikawana uyo anodiwa nomweya wangu. Ndakamubata ndikaramba kumurega achienda kusvikira ndamuuyisa kumba kwamai vangu, kuimba yauyo akandibereka. 5Ndinokurayirai, imi vanasikana veJerusarema, nemhara nenhiyo dzesango: musamutsa kana kupepudza rudo kusvikira rwada rwoga.
6Ndianiko uyu anokwira achibva murenje kunge mbiru dzoutsi, akazodzwa nemura nerusenzi, noupfu hwose hunonhuhwirira hwomushambadzi? 7Tarirai—ndiwo mutakwa waSoromoni chaiwo, wakakombwa nemhare makumi matanhatu, dzemhare dzaIsraeri, 8vose vakabata minondo, vakadzidziswa kurwa, mumwe nomumwe aine munondo wake pachiuno chake, kurwisa kutyisa kweusiku. 9Mambo Soromoni akazviitira mutakwa nematanda eRebhanoni. 10Akaita mbiru dzawo nesirivha, musana wawo negoridhe, chigaro chawo neruvara rweshava; mukati mawo makashongedzwa norudo navanasikana veJerusarema. 11Budai, imi vanasikana veZioni, mutarire Mambo Soromoni, akapfeka korona yaakapfekedzwa namai vake pazuva romuchato wake, pazuva rakafara mwoyo wake.