Vanyaradzi Vanorwadzisa
Jobho anovati vanyaradzi vanotambudza uye anoti naiyewo aigona kutaura hurukuro, dai nzvimbo dzavo dzakachinjana. Anotsanangura Mwari somurwi akamubata nomutsipa akamuita chinangwa chemiseve. Asi anosimbirira kuti chapupu chake chiri kudenga.
16 1Ipapo Jobho akapindura akati: 2“Ndakanzwa zvinhu zvizhinji zvakadai; imi mose muri vanyaradzi vanorwadzisa. 3Ko mashoko enyu emhepo haana magumo here? Chii chinokutsamwisa zvokuti murambe muchipindura? 4Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi maiva panzvimbo yangu; ndaigona kurunga mashoko kuti ndikurwisei uye ndikudzungudzirei musoro. 5Asi ndaikusimbisai nomuromo wangu, uye kunyaradza kwemiromo yangu kwaideredza kurwadziwa kwenyu. 6Kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuderedzwi; uye kana ndikanyarara, chii chinobva kwandiri? 7Zvirokwazvo zvino Mwari vandinetesa; maparadza boka rangu rose. 8Makandiunyanisa, uye zvakava chapupu; kuonda kwangu kunondimukira kuchindipupurira pamberi pangu. 9Kutsamwa kwavo kwandibvarura uye kwandivavarira; vandirumanyira meno avo; muvengi wangu anonditarisisa nameso ake. 10Vanhu vakandishamira miromo yavo; vakandirova padama vachindizvidza; vanobatana pamwe chete kundirwisa. 11Mwari vanondiisa mumaoko avasakarurama uye vanondikanda muchibatiso chevakaipa. 12Ndakanga ndakazorora, vakabva vandipwanya; vakandibata pamutsipa vakandiputsanya; vakandigadza ndikava chinovingwa chavo. 13Vapfuri vavo vemiseve vakandikomba; vanotema itsvo dzangu vasina tsitsi 14Vanondiputsa nokundirova kamwe pamusoro pekamwe; vanomhanyira kwandiri semhare. 15Ndakasona nguo dzokuchema pamusoro peganda rangu uye ndakaviga huma yangu muguruva. 16Chiso changu chakatsvuka nokuchema, uye mumvuri wakadzama uri pamakope angu, 17kunyange zvazvo pasina chisimba mumaoko angu uye munyengetero wangu wakachena. 18Iwe nyika, usafukidza ropa rangu, uye kuchema kwangu ngakurege kuwana paanozorora. 19Kunyange zvino, chapupu changu chiri kudenga, uye mumiririri wangu ari kumusoro-soro. 20Shamwari dzangu dzinondizvidza; ziso rangu rinodururira misodzi kuna Mwari, 21kuti amiririre nyaya yomunhu pamberi paMwari, somwanakomana womunhu anomiririra wokwake. 22Nokuti makore mashomanana chete achapfuura, ipapo ndichaenda nenzira isingadzokwi.”