Chiporofita chaBaba Pamusoro peBhabhironi
Umambo hwakatapa Judha hwapiwa mutongo pachahwo: Bheri ranyadziswa, masvingo aputswa, nyika yasiyirwa makava. Panguva iyoyo Israeri neJudha vanodzoka vachichema, vachibvunza nzira inoenda kuZioni nokuna Baba vavo, mhosva yavo ichitsvakwa isingawanikwi, Mudzikinuri wavo ane simba.
50 1Shoko Baba vedu ravakataura pamusoro peBhabhironi, nyika yavaBhabhironi, kubudikidza naJeremia muporofita:
2Zivisai pakati pendudzi uye paridzai izvozvo; simudzai mureza, muparidze izvozvo; musavanza chinhu. Itii: Bhabhironi ratapwa; Bheri anyara, Maridhuki aputswa. Mifananidzo yaro yanyadziswa, zvifananidzo zvaro zvaputswa. a a v2 Bheri naMaridhuki vaiva vamwari vakuru veBhabhironi. 3Nokuti kubva kumusoro kuno rudzi runouya kuzorwisa iro; ruchaita kuti nyika yaro ive dongo, uye hapana achagara mairi. Vanhu nemhuka zvose zvatiza; zvaenda.
4Mumazuva iwayo nenguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Baba vedu, vana vaIsraeri vachauya, ivo nevana vaJudha pamwe chete; vachaenda vachichema pavanofamba, uye vachatsvaka Baba vavo. 5Vachabvunza nzira inoenda kuZiyoni, zviso zvavo zvakatarisa ikoko: “Uyai, ngatizvisunganidze naBaba vedu musungano isingaperi isingazombokanganwiki.” 6Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika; vafudzi vavo vakavarasisa, vachivaregedzera mumakomo. Vakadzungaira vachibva kugomo kuenda kuchikomo; vakakanganwa nzvimbo yavo yokuzorora. 7Vose vakavawana vakavadya, uye vavengi vavo vakati, “Isu hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, mafuro avo echokwadi, Jehovha, tariro yamadzitateguru avo.” 8Tizai kubva mukati meBhabhironi; budai munyika yavaBhabhironi, uye ivai sembudzi dzikono dzinotungamirira boka. 9Nokuti tarirai, ndiri kumutsa nokuuyisa kuzorwisa Bhabhironi boka rendudzi huru dzinobva kunyika yokumusoro. Dzichazvigadzirira kurwisa iro, uye kubva ipapo richatapwa. Miseve yadzo inobhururuka semiseve yemhare ine unyanzvi isingambodzoki isina kubata chinhu. 10Nyika yeBhabhironi ichapambwa; vose vanoipamba vachaguta, ndizvo zvinotaura Baba vedu.
11Nokuti munofara, nokuti munopembera, imi vapambi venhaka yangu, nokuti munokwakuka setsiru rinopura zviyo, uye munochemerera semabhiza makono, 12mai venyu vachanyadziswa zvikuru; ivo vakakuberekai vachashorwa. Tarirai, ichava yokupedzisira yendudzi— renje, nyika yakaoma, negwenga. 13Nokuda kwehasha dzaBaba vedu haringazogarwi; richava dongo zvachose. Mumwe nomumwe anopfuura neBhabhironi achavhunduka uye acharidza muridzo pamusoro pamavanga aro ose. 14Zvigadzirirei kurwisa Bhabhironi kumativi ose, imi mose vanopfura nouta. Ripfurei; musasiya miseve, nokuti ratadzira Baba vedu. 15Danidzirai kurwisa iro kumativi ose; razvipira. Shongwe dzaro dzawa; masvingo aro aputswa. Sezvo uku kuri kutsiva kwaBaba vedu, tsivai pariri; muriitire sezvarakaita. 16Gurai muBhabhironi mudzvari nomukohwi. Pamberi pomunondo womudzvinyiriri mumwe nomumwe achadzokera kuvanhu vokwake, uye mumwe nomumwe achatizira kunyika yokwake.
17Israeri iboka rakapararira rakadzingwa neshumba. Pakutanga mambo weAsiria akamudya, uye zvino pakupedzisira Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akatsenga mapfupa ake.
18Zvanzi naBaba vehondo dzokudenga, Baba vedu vaIsraeri: Ndicharanga mambo weBhabhironi nenyika yake sezvandakaranga mambo weAsiria. 19Ndichadzosa Israeri kumafuro ake, uye achafura paKarimeri napaBhashani; pazvikomo zveEfuremu neGiriyedhi mweya wake uchagutswa. 20Mumazuva iwayo uye panguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Baba vedu, mhosva yaIsraeri ichatsvakwa asi pachange pasina; zvivi zveJudha zvichatsvakwa asi hapana chichawanikwa, nokuti ndichakanganwira vakasara vandinosiya vari vapenyu.
21Kwirai murwise nyika yeMerataimi, nokurwisa avo vanogara muPekodhi. Vaurayei muvaparadze zvachose, ndizvo zvinotaura Baba vedu; itai zvose zvandakakurayirai. 22Mutinhiro wehondo uri munyika, uye kuparadzwa kukuru. 23Haiwa, nyundo yenyika yose yagurwa ikavhunika! Haiwa, Bhabhironi rava chinhu chinotyisa pakati pemarudzi! 24Ndakakuteyera musungo, iwe Bhabhironi, ukabatwa usati waziva. Wakawanikwa ukabatwa nokuti wakarwisana naBaba vedu.
25Baba vedu vazarura dura ravo rezvombo vakabudisa zvombo zvehasha dzavo, nokuti Baba vehondo dzokudenga vane basa rokuita munyika yavaBhabhironi. 26Uyai kuzorwisa iye muchibva kumativi ose; zarurai matura ake; muunganidzei sezvirundurwa zvezviyo. Muparadzei zvachose; kurege kusara chinhu chake. 27Urayai hando dzake dzose; ngadziburukire kundobayiwa. Vane nhamo, nokuti zuva ravo rasvika, nguva yokurangwa kwavo. 28Inzwai—vatizi nevapoteri vanobva kunyika yeBhabhironi, vachiuya kuZioni kuzozivisa kururamisira kwaBaba vedu, kururamisira kwavo kwetemberi yavo. 29Kokai vapfuri vouta kurwisa Bhabhironi, vose vanowembura uta. Vakai misasa makakomba iye kumativi ose; kurege kuva nomunhu anopunyuka. Mutsivei maererano namabasa ake; muitirei zvose zvaakaita. Nokuti wakazvikudza pamberi paBaba vedu, pamberi poMutsvene weIsraeri.
30Naizvozvo majaya ake achawira munzira dzake, uye varwi vake vose vachanyaradzwa pazuva iroro, ndizvo zvinotaura Baba vedu. 31Tarira, ndinopikisana newe, iwe wokuzvikudza, ndizvo zvinotaura Baba vehondo dzokudenga, nokuti zuva rako rasvika, nguva yandichakuranga. 32Anozvikudza achagumburwa agowa, pasina anomumutsa. Ndichabatidza moto mumaguta ake, uye uchapedza zvose zvakamupoteredza. 33Zvanzi naBaba vehondo dzokudenga: Vana vaIsraeri vakadzvinyirirwa, uye vana vaJudha pamwe chete navo. Vose vakavatapa vakavabata zvakasimba; vanoramba kuvaregedza vachienda.
34Mudzikinuri wavo ane simba; Baba vehondo dzokudenga ndiro zita ravo. Zvirokwazvo vachavarwira pamhosva yavo, kuti vaunze zororo panyika asi kutambudzika kune vanogara muBhabhironi.
35Munondo unorwisa vaBhabhironi, ndizvo zvinotaura Baba vedu, nokurwisa avo vanogara muBhabhironi, namachinda ayo navarume vayo vakachenjera! 36Munondo unorwisa vaprofita venhema, uye vachava mapenzi! Munondo unorwisa mhare dzayo, uye dzichaputswa! 37Munondo unorwisa mabhiza ayo nengoro dzayo, nemauto ose avatorwa ari pakati payo, uye vachafanana navakadzi! Munondo unorwisa pfuma yayo, uye ichapambwa! 38Kuoma kunorwisa mvura yayo, uye ichapwa! Nokuti inyika yezvifananidzo, uye vanopengeswa nemifananidzo yavo inotyisa. 39Naizvozvo zvikara zvomugwenga nemapere zvichagaramo, nemhou dzomurenje dzichagara mairi. Haichazogarwizve kana kugarwa namunhu kusvikira kumarudzi ose. 40Sapamwaka Baba vedu pavakaparadza Sodhoma neGomora nemaguta awo akavakidzana nawo, ndizvo zvinotaura Baba vedu, saizvozvo hapana achagaramo; hapana munhu achagara mairi. 41Tarirai, hondo iri kubva kumusoro; rudzi rukuru namadzimambo mazhinji ari kumuka kubva kumigumo yenyika. 42Vakabata uta nepfumo; vane utsinye uye havana tsitsi. Inzwi ravo rinotinhira segungwa pavanotasva mabhiza, vakagadzirira somurume anoenda kuhondo kuzorwa newe, iwe Mwanasikana weBhabhironi. 43Mambo weBhabhironi anzwa mashoko awo, maoko ake akarembera. Kurwadziwa kwakamubata, marwadzo somukadzi ari kusununguka. 44Tarirai, seshumba inobuda mumatenhere eJorodhani ichienda kumafuro akagara zvakanaka, nokukasika ndichadzinga Bhabhironi kubva munyika yayo, uye ndichagadza pamusoro payo ani nani wandinosarudza. Nokuti ndiani akaita seni? Ndiani angandidana? Ndiani mufudzi angamira pamberi pangu?
45Naizvozvo inzwai zano Baba vedu ravakaita pamusoro peBhabhironi nezvavakaronga pamusoro penyika yavaBhabhironi: Zvirokwazvo vaduku veboka ravo vachakakatwa vachibviswa; zvirokwazvo mafuro avo achavhundutswa namagumo avo. 46Pakunzwika kwokutapwa kweBhabhironi nyika ichadedera, uye kuchema kwayo kuchanzwika pakati pendudzi.