Rwiyo Rwokuchema pamusoro peTire
Chema pamusoro peTire sechikepe chinoshamisa, chine mapuranga emisipiresi, mbiru yemusidhari uye seiri yomucheka werineni weIjipiti, chine vashandi nezvinhu zvinobva kuvatengesi vanodudzwa nemazita vanobva kumativi ose. Mhepo yokumabvazuva inochiputsa pakati pegungwa, uye vafambi vegungwa vari pamhenderekedzo vanokanda guruva pamisoro yavo vachiimba rwiyo urwu.
27 1Shoko raBaba vedu rakasvika kwandiri:
2“Zvino iwe, mwanakomana womunhu, imba rwiyo rwokuchema pamusoro peTire, 3uti kuTire, iyo inogara pamasuwo egungwa, mushambadzi wamarudzi okumahombekombe mazhinji: Zvanzi naBaba Changamire: ‘Iwe Tire, wakati, “Ndakakwana parunako.” 4Miganhu yako iri mukati megungwa; vavaki vako vakakwanisa runako rwako. 5Vakavaka mapuranga ako ose nemiti yemipaini yokuSeniri; vakatora musidhari wokuRebhanoni kuti vakugadzirire mbiru. 6Vakagadzira magwasho ako nemiti yemioki yokuBhashani; vakaita chikuva chako nenyanga dzenzou dzakaiswa mumusipuresi wokumahombekombe eKipuro. 7Seiri yako yaiva micheka yakanaka yakarukwa yokuIjipiti, ichishanda semureza wako; chifukidzo chako chaiva chebhuruu nechepepuru chokumahombekombe eErisha. 8Vanhu veSidhoni neArivhadhi vaiva vakwasvi vako; varume vako vane unyanzvi, iwe Tire, vaiva mauri sevatungamiri vezvikepe zvako. 9Vakuru veBhibhurosi navarume vayo vane unyanzvi vaiva mauri, vachivhara mikaha yako; zvikepe zvose zvegungwa navafambisi vazvo zvakauya kwauri kuzotsinhanisa zvinhu zvako. 10Pesia neRudhi nePuti vaiva muuto hwako, varume vako vehondo. Vakaturika nhoo dzavo nenguwani dzavo dzehondo pamadziro ako, vachikupa kubwinya. 11Varume veArivhadhi neuto hwako pachako vaiva pamadziro ako kumativi ose, uye vaGamadhimu vaiva mushongwe dzako. Vakaturika nhoo dzavo pamadziro ako kumativi ose; vakakwanisa runako rwako.
12‘Tashishi yaitengesana newe nokuda kwepfuma yako zhinji yemhando dzose, ichitsinhanisa sirivha, simbi, tini, nomutobvu nezvaunotengesa.
13‘Javhani, Tubhari, neMesheki vaitengesana newe nevanhu nemidziyo yendarira.
14‘VokuBheti-togarima vaitsinhanisa mabhiza, mabhiza ehondo, nemanyurusi nezvaunotengesa.
15‘Varume veDhedhani vaitengesana newe; mahombekombe mazhinji aiva misika yako, vachikubhadhara nenyanga dzenzou nehuni dzeebhoni.
16‘Aramu yaitengesana newe nokuda kwezvinhu zvako zvizhinji, ichitsinhanisa turikoizi, pepuru, zvakarukwa, mucheka wakanaka, korari, nematombo matsvuku anokosha nezvaunotengesa.
17‘Judha neIsraeri vaitengesana newe: gorosi rokuMiniti, upfu, uchi, mafuta, nebharisamu.
18‘Dhamasiko yaitengesana newe nokuda kwezvinhu zvako zvizhinji, pfuma yako huru yemhando dzose, newaini yokuHerubhoni nemvere dzemakwai dzokuZahari. 19Vhedhani neJavhani vokuUzari vaitsinhanisa nezvaunotengesa; simbi yakapfurwa, kasia, nekaramusi zvaiva pakati pezvinhu zvako.
20‘Dhedhani yaitengesana newe nemicheka yezvigaro zvokutasva.
21‘Arabhia namachinda ose eKedhari vaiva vatengi vako, vachitengesa makwayana, makondohwe, nembudzi.
22‘Vatengesi veShebha neRaama vaitengesana newe, vachibhadhara nezvinonhuhwira zvakanakisisa zvose, matombo ose anokosha, nendarama nezvinhu zvako.
23‘Harani, Kane, neEdheni, vatengesi veShebha, Ashuri, neKirimadhi vaitengesana newe. 24Ava vaitengesana newe nenguo dzakanaka, nemicheka yebhuruu neyakarukwa, nemakapeti emicheka ine mavara akasungwa netambo akasimbiswa, mumusika wako. 25Zvikepe zveTashishi zvaitakura zvaunotengesa mumudungwe. Naizvozvo wakazadzwa uye wakaremerwa nemutoro mukati megungwa. 26Vakwasvi vako vakakuendesa kumvura huru; mhepo yokumabvazuva yakakuputsa mukati megungwa. 27Pfuma yako, zvinhu zvako, zvaunotengesa, vafambisi vako navatungamiri vako, vavhari vemikaha yako, vashambadzi vako vezvinhu, nemhare dzako dzose dziri mauri, pamwe chete navamwe vose vari muchikepe, zvinonyura mukati megungwa pazuva rokuwa kwako. 28Pakurira kwokuchema kwavatungamiri vako, nyika yakashama inodengenyeka. 29Vose vanobata gwasho, vafambisi navatungamiri vose vegungwa, vanoburuka muzvikepe zvavo; vanomira panyika, 30uye vanosimudza inzwi ravo pamusoro pako vachichema zvinorwadza. Vanokusha guruva mumisoro yavo vachiumburuka mumadota; 31vanozviveura mhanza nokuda kwako, vachipfeka nguo dzokuchema, uye vanochema pamusoro pako nokurwadziwa kwomwoyo, nokuchema kukuru. 32Pakuungudza kwavo vanokuimbira rwiyo rwokuchema, vachichema pamusoro pako, vachiti: “Ndianiko akatombofanana neTire, akafanana newakanyaradzwa pakati pegungwa?” 33Zvaunotengesa pazvaibuda mumagungwa, waigutsa marudzi mazhinji; nepfuma yako zhinji nezvaunotengesa wakapfumisa madzimambo enyika. 34Zvino waparadzwa negungwa mukudzika kwemvura; zvaunotengesa navashandi vako vose vanyura pamwe chete newe. 35Vagari vose vomumahombekombe vanovhundutswa newe, uye madzimambo avo anodedera nokutya; zviso zvavo zvakamonyana. 36Vatengesi vari pakati pamarudzi vanoridza muridzo pamusoro pako; wava chinhu chinotyisa, uye hauchazovapozve, nokusingaperi.’”