Kufa kwaSauro naVanakomana Vake muHondo
Hondo paGiribhoa inoipa. Jonatani nehama dzake vanourayiwa, Sauro anokuvadzwa nevapfuri vemiseve, uye mutakuri wenhumbi dzake dzehondo anoramba kumupedza, saka anozviwisira pamunondo wake. VaFirisitia vanorovera chitunha chake pamadziro; varume veJabheshi-gireadhi vanochibvisa.
31 1VaFiristia vakarwa navaIsraeri; varume vaIsraeri vakavatiza, vakawira pasi vafa paGomo reGiribhoa. 2VaFiristia vakabata Sauro navanakomana vake, uye vaFiristia vakauraya Jonatani, Abhinadhabhi, naMarikishua, vanakomana vaSauro. 3Hondo yakanyanya kurwisana naSauro. Vapfuri vouta vakamuwana, akakuvadzwa zvakaipisisa navo. 4Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa, “Vhomora munondo wako undibaye nawo, kuti varume ava vasina kudzingiswa varege kuuya vondibaya, vondishungurudza.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa akaramba—akanga achitya kwazvo. Saka Sauro akatora munondo wake akawira pauri. 5Mubati wenhumbi dzake dzokurwa paakaona kuti Sauro afa, naiyewo akawira pamunondo wake akafa pamwe chete naye. 6Saka Sauro akafa pazuva iroro, pamwe chete navanakomana vake vatatu, mubati wenhumbi dzake dzokurwa, navarume vake vose.
7Varume vaIsraeri vaiva mhiri komupata nemhiri kwaJorodhani pavakaona kuti hondo yaIsraeri yakanga yatiza uye kuti Sauro navanakomana vake vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. VaFiristia vakauya vakagara maari. 8Zuva rakatevera, vaFiristia vakauya kuzopamba vakafa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vakawira paGomo reGiribhoa. 9Vakagura musoro wake, vakabvisa nhumbi dzake dzokurwa, vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kuti vazivise shoko iri mutemberi dzezvifananidzo zvavo nepakati pavanhu. 10Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa mutemberi yaAshitoreti, vakasungirira mutumbi wake parusvingo rweBheti-Shani. a a v10 Ashitoreti aiva mwarikadzi wavaKenani; kuisa nhumbi dzaSauro dzokurwa mutemberi yake kwaiva nzira yavaFiristia yokupa vamwari vavo mbiri yokukunda.
11Vagari veJabheshi-Gireadhi pavakanzwa zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro, 12varwi vavo vose vakafamba usiku hwose, vakatora mutumbi waSauro nemitumbi yavanakomana vake parusvingo rweBheti-Shani, vakaiunza kuJabheshi, vakaipisira ipapo. 13Vakatora mapfupa avo, vakaaviga pasi pomuti womutamarisiki paJabheshi, vakatsanya mazuva manomwe.