Hareruya
Musaisa tariro yenyu mumachinda, ane zvirongwa zvinofa navo zuva iro chairo ravanofa. Chimwe chinzvimbo ndiBaba vedu, vanorondedzerwa nezvavanoita chaizvo: kururamisira vanomanikidzwa, chingwa kuvane nzara, vasungwa vanosunungurwa, vatorwa, nherera nechirikadzi vanochengetwa.
146 1Hareruya! Rumbidza Baba vedu, iwe mweya wangu.
2Ndicharumbidza Baba vedu ndichiri mupenyu; ndichaimbira Baba vedu nguva yose yandinofema.
3Musaisa kuvimba kwenyu mumachinda, mumunhu anofa asingagoni kukuponesai. 4Mweya wake unobuda, anodzokera kuvhu; pazuva iroro chairo zvirongwa zvake zvinoparara. 5Akaropafadzwa munhu ane mubatsiri ari Mwari waJakobho, ane tariro iri muna Baba vedu.
6Ndivo Musiki wedenga nenyika, negungwa nezvose zviri mazviri; vanochengeta kutendeka nokusingaperi. 7Vanoruramisira vakadzvinyirirwa; vanopa vane nzara chingwa. Baba vedu vanosunungura vasungwa. 8Baba vedu vanosvinudza meso emapofu; Baba vedu vanosimudza vakaremerwa; Baba vedu vanoda vakarurama. 9Baba vedu vanochengeta vatorwa; vanotsigira nherera nechirikadzi, asi nzira yavakaipa vanoiparadza.
10Baba vedu vachatonga nokusingaperi—Baba venyu, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose. Hareruya!