Jobho Anopindura
Jobho anoseka rubatsiro rwaakapiwa, ozoimba kupfuura shamwari yake pamusoro pesimba raBaba vedu: nyika yakaturikwa pasina chinhu, mvura yakasungirwa mumakore, gungwa rakanyaradzwa, Rahabhi akapwanyika. Uye zvose izvi, anodaro, imucheto mutete chete wokuzevezera kwavo.
26 1Ipapo Jobho akapindura akati: 2“Haiwa, wakabatsira sei asina simba! Wakaponesa sei ruoko rusina simba! 3Wakapa sei zano kune asina uchenjeri, uye wakagovera njere dzakanaka zvakawanda! 4Wakataura mashoko aya uchibatsirwa naani? Uye mweya waani wakabuda mauri? 5Mweya yavakafa inodedera—iyo iri pasi pemvura navose vanogaramo. 6Guva rakashama pamberi paBaba vedu, uye Kuparadza hakuna chinokufukidza. 7Vanotambanudza matenga okumusoro pamusoro penzvimbo isina chinhu; vanoturika nyika pasina chinhu. 8Vanoputira mvura mumakore avo akakora, asi makore haaputiki nokuda kwouremu hwayo. 9Vanofukidza chiso chomwedzi wakazara, vachitatamura makore avo pamusoro pawo. 10Vakatara denderedzwa pamusoro pemvura, pamuganhu uri pakati pechiedza nerima. 11Mbiru dzamatenga dzinodedera, dzichivhunduka pakutsiura kwavo. 12Nesimba ravo vakanyaradza gungwa; nokunzwisisa kwavo vakapwanya chikara chegungwa Rahabhi. 13Nomweya wavo matenga akachena; ruoko rwavo rwakabaya nyoka inotiza. 14Uye izvi ndiwo mativi okunze enzira dzavo chete— tinongonzwa chizevezero chidiki sei pamusoro pavo! Asi kutinhira kwesimba ravo, ndiani angakunzwisisa?”