Bhiridhadhi Anotaurazve
Hurukuro yokupedzisira yaBhiridhadhi ine ndima nhanhatu chete uye hapana chasara mairi kunze kwokuva kure: ushe ndohwaMwari, kunyange mwedzi nenyeredzi hazvina kuchena pamberi pake, saka munhu anofa chii? Gonye, honye. Nharo dzeshamwari dzapera mashoko.
25 1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: 2“Ushe nokutyisa ndezvake; anoita rugare kunzvimbo dzake dziri kumusoro. 3Ko, pane angaverenga hondo dzake here? Ko, chiedza chake hachibudiri munhu wose here? 4Zvino munhu anofa angava akarurama sei pamberi paMwari? Uyo akaberekwa nomukadzi angachena sei? 5Tarirai, kunyange mwedzi hauvhenekeri, uye nyeredzi hadzina kuchena pameso ake; 6ndoda munhu, iye ari honye, uye mwanakomana womunhu, iye ari gonye!”