Chingwa Pamusoro Pemvura
Kanda chingwa chako pamusoro pemvura uye ugovere mugove wako zvakafara, nokuti haugoni kuziva njodzi inouya. Anotarisa mhepo haangadyari. Dyara mangwanani namanheru, fara muchiedza, rangarira mazuva erima ari mberi, uye uzive kuti Mwari achatonga hujaya hwako.
11 1Kanda chingwa chako pamusoro pemvura, nokuti shure kwamazuva mazhinji uchachiwana zvakare. 2Ipa mugove kuvanomwe, kunyange kuvasere, nokuti hauzivi njodzi ingawira panyika. 3Kana makore akazara, anodurura mvura panyika; uye kana muti ukawira zasi kana kuchamhembe, panzvimbo paunowira, ndipo paucharamba uripo. 4Ani naani anotarira mhepo haazombodyari, uye ani naani anocherechedza makore haazombokohwi.
5Sezvawusingazivi nzira yemhepo, kana kuti mapfupa anoumbwa sei mudumbu momukadzi ane pamuviri, saizvozvo haugoni kuziva basa raMwari, iye anoita zvinhu zvose.
6Dyara mbeu yako mangwanani, uye manheru usarega ruoko rwako ruchizorora, nokuti hauzivi kuti ndeipi ichabudirira—iyi kana iyoyo—kana kuti zvose zviri zviviri zvichaita zvakanaka.
Chiedza Chinotapira
7Chiedza chinotapira, uye zvinofadza meso kuona zuva.
8Saka kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafare maari ose; asi ngaarangarire mazuva erima, nokuti achava mazhinji. Zvose zvinouya hazvigari.
9Fara, iwe jaya, paujaya hwako, uye mwoyo wako ngaukupe mufaro mumazuva oujaya hwako. Famba munzira dzomwoyo wako uye mune zvinoonekwa nameso ako; asi uzive kuti pamusoro pezvinhu izvi zvose Mwari achakuisa mukutongwa.
10Saka bvisa kushushikana mumwoyo mako, uye bvisa kurwadziwa mumuviri mako, nokuti ujaya nokutanga kwoupenyu hazvigari.