Kukwazisa vaTesaronika
Tsamba yokutevera inosimbisa kereke yakanga yavhiringidzwa pamusoro pezuva raIshe, uye inoidana kuti imire yakasimba.
1 1Pauro, naSirivhano, naTimoti, kukereke yavaTesaronika iri muna Baba vedu naIshe Jesu Kristu: 2Nyasha kwamuri norugare zvinobva kuna Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
Kuvonga Kutenda Kwenyu Kuri Kukura
3Tinofanira kugara tichivonga Baba vedu nokuda kwenyu, hama—sezvazvakafanira—nokuti kutenda kwenyu kuri kuramba kuchikura, uye mumwe nomumwe wenyu anowedzera kukura murudo rune mumwe kuno mumwe. 4Saka isu pachedu tinozvirumbidza pamusoro penyu pakati pekereke dzaBaba vedu, nokuda kwokutsungirira nokutenda kwenyu mukutambudzwa kwose nenhamo dzamunotsunga madziri.
5Uku ndihwo uchapupu hwokutonga kwakarurama kwaBaba vedu, kuti muverengwe makakodzera umambo hwaBaba vedu, uhwo hwamunotambudzikirawo. 6Sezvo Baba vedu vakarurama, vacharipira nhamo kuna avo vanokutambudzai, 7uye kuti vape zororo kwamuri imi munotambudzika, pamwe chete nesu, panguva inoratidzwa Ishe Jesu achibva kudenga nevatumwa vake vane simba, 8ari mumoto unopfuta, achiuyisa kururamisira pamusoro paavo vasingazivi Baba vedu, uye pamusoro paavo vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu. 9Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, vari kure nokuvapo kwaIshe nesimba rake rine mbiri, 10pazuva iroro, paachauya kuti akudzwe muvatsvene vake uye ayemurwe pakati pavose vakatenda—nokuti uchapupu hwedu kwamuri hwakatendwa.
11Nokuda kwaizvozvi tinogara tichikunyengetererai, kuti Baba vedu vakuverengei makakodzera kudanwa kwavo, uye vazadzise nesimba ravo chishuwo chose chakanaka nebasa rokutenda, 12kuti zita raIshe wedu Jesu rikudzwe mamuri, nemi maari, nenyasha dzaBaba vedu naIshe Jesu Kristu.