Shoko Rosvika Rokuparadzwa kweJerusarema
Masvingo eJerusarema akaputsika, uye Nehemiya anotungamirira vanhu kuti vaavakezve. Pakati pebhuku pane munyengetero mukuru unorangarira Baba vakachengeta vanhu vavo murenje rimwe nerimwe.
1 1Mashoko aNehemia mwanakomana waHakaria. Mumwedzi waKisirevhi, mugore rechimakumi maviri, ndakanga ndiri munhare yeSusa, a a v1 Kisirevhi wakanga uri mwedzi wechipfumbamwe wekarenda yechiHebheru, uchiwira mukupera kwaNovember kusvika muna December.
2Hanani, mumwe wehama dzangu, akauya navarume vaibva kuJudha. Ndakavabvunza nezvavaJudha vakanga vapukunyuka, vakasara pautapwa, uye nezveJerusarema. 3Vakandiudza vakati, “Vakasara vakabva muutapwa, vari ikoko mudunhu, vari mudambudziko guru nokunyadziswa. Rusvingo rweJerusarema rwakoromoka, masuo arwo akapiswa nomoto.”
4Pandakanzwa mashoko aya, ndakagara pasi ndikachema, ndichiungudza kwamazuva, ndichitsanya nokunyengetera pamberi paBaba vedu vari kudenga. 5Ndakati: Ndinokumbira, imi Baba vangu vari kudenga, Mwari mukuru uye anotyisa, imi munochengeta sungano norudo rusingaperi kuna avo vanokudai vachichengeta mirayiro yenyu, 6nzeve yenyu ngaiteerere uye meso enyu ngaasvinudzwe, kuti munzwe munyengetero uyu wandinonyengetera ini muranda wenyu pamberi penyu zvino, masikati nousiku, ndichikumbirira vaIsraeri, varanda venyu—ndichireurura zvivi zvatakakutadzirai isu vaIsraeri. Ini neimba yababa vangu takatadza. 7Takakutadzirai zvikuru, tikasachengeta mirayiro, mitemo, nemitongo yamakarayira muranda wenyu Mozisi.
8Ndinokumbira rangarirai shoko ramakarayira muranda wenyu Mozisi, muchiti: “Kana mukasava vakatendeka, ndichakuparadzirai pakati pamarudzi, 9asi kana mukadzokera kwandiri, mukachengeta mirayiro yangu, mukaiita, kunyange vakatapwa venyu vari kumucheto wokupedzisira wokudenga, ndichavaunganidza ipapo ndigovauyisa kunzvimbo yandakasarudza kuti zita rangu rigogarako.”
10Ivo varanda venyu, vanhu venyu, vamakadzikinura nesimba renyu guru noruoko rwenyu rune simba. 11Ndinokumbira, imi Ishe wangu, Baba vangu, nzeve yenyu ngaiteerere kumunyengetero womuranda wenyu, nokumunyengetero wavaranda venyu—avo vanofarira kutya zita renyu. Itai kuti muranda wenyu abudirire nhasi, uye mumuitire tsitsi pamberi pomurume uyu. Ini ndakanga ndiri mudiri wezvokunwa wamambo panguva iyoyo.