Zvisingagoni Kucherwa noMucheri
Vacheri vemigodhi vanochera nomumatombo vachitsvaka sirivha nesafiri, vachienda kusina kumbotarirwa nerukodzi. Asi uchenjeri hahugoni kucherwa kana kutengwa; kwakadzika negungwa zvinoti hahusi pano. Mwari chete ndiye anoziva nzvimbo yahwo, uye akaudza vanhu kuti: itya Mwari, tsauka pane zvakaipa.
28 1“Zvirokwazvo kune mugodhi wesirivha, nenzvimbo panonatswa goridhe. 2Simbi inotorwa muvhu, uye ndarira inonyungudutswa ichibva mudombo. 3Munhu anoisa muganhu kurima; anotsvaka kusvikira kumugumo chaiko simbi iri murima nomumumvuri wakadzama. 4Anochera mugodhi kure nokunogara vanhu, munzvimbo dzisina kutsikwa norutsoka; ipapo vanorembera vachizengaira, kure nomunhu wose. 5Nyika—kubva mairi kunobva zvokudya, asi pasi payo panopidigurwa sokunge nomoto. 6Mabwe ayo ane masafire, uye guruva rayo rine goridhe. 7Inzira isingazivikanwi neshiri inobata nyama, isina kumboonekwa neziso rerukodzi. 8Mhuka dzinozvikudza hadzina kuitsika, uye shumba haina kufamba napairi. 9Munhu anotambanudzira ruoko rwake kudombo rakaoma, uye anopidigura makomo kubva kumidzi yawo. 10Anocheka migero nomumatombo, uye ziso rake rinoona chinhu chimwe nechimwe chinokosha. 11Anodzivirira hova dzinodonha, uye anobudisa pachena zvinhu zvakavanzika.
12“Asi uchenjeri—hungawanikwepi? Uye nzvimbo yokunzwisisa iripi? 13Munhu haazivi kukosha kwahwo, uye hahuwanikwi munyika yavapenyu. 14Makadzika anoti, ‘Hahuzi mandiri,’ uye gungwa rinoti, ‘Hahuzi kwandiri.’ 15Hahugoni kutengwa negoridhe rakanakisisa, uye mutengo wahwo haugoni kuyerwa nesirivha. 16Hahugoni kutarirwa mutengo negoridhe reOfiri, nebwe rinokosha reonikisi kana resafire. 17Goridhe nekristaro hazvingaenzani nahwo, uye hahugoni kutsinhaniswa nemidziyo yegoridhe rakaisvonaka. 18Korari nekristaro hazvina kukosha kuzotaurwa; mutengo wouchenjeri unopfuura marubhi. 19Topazi reKushi haringaenzani nahwo, uye hahugoni kutarirwa mutengo negoridhe rakaisvonaka.
20“Zvino uchenjeri hunobvepi? Uye nzvimbo yokunzwisisa iripi? 21Hwakavanzwa kumeso avapenyu vose, hwakafukidzwa kunyange kushiri dzedenga. 22Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Nenzeve dzedu takanzwa guhu rahwo.’
23“Mwari anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye anoziva nzvimbo yahwo. 24Nokuti anotarira kumigumo yenyika uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pedenga. 25Paakapa mhepo uremu hwayo uye akayera mvura, 26paakaitira mvura murayiro uye nzira yemheni, 27ipapo akaona uchenjeri akahuparidza; akahusimbisa uye akahunzvera.
28Uye akati kuvanhu, ‘Kutya Mwari—ndihwo uchenjeri, uye kutsauka pane zvakaipa ndiko kunzwisisa.’”