Ruoko rwaBaba vedu Runorwisa vaFiristia
VaFiristia vanoisa areka yaBaba vedu yavakanga vatapa parutivi rwaDhagoni, uye kaviri vanowana mwari wavo awira pasi nechiso, kechipiri musoro nemaoko zvake zvakadimburwa zviri pachikumbaridzo. Mamota nekuvhunduka zvinotevera areka kubva kuAshidhodhi kuenda kuGati kusvika kuEkironi, kusvikira guta rimwe nerimwe rateterera kuti ribviswe pairi.
5 1VaFiristia vakanga vatapa areka yaBaba vedu, vakaiunza kubva kuEbhenezeri vachienda kuAshidhodhi. 2VaFiristia vakatora areka yaBaba vedu, vakaipinza mutemberi yaDhagoni, vakaiisa parutivi rwaDhagoni. 3Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwanani-ngwanani mangwana acho, vakawana Dhagoni akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaBaba vedu. Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake. 4Pavakamuka mangwanani-ngwanani zuva rakatevera, Dhagoni akanga awirazve pasi nechiso chake pamberi peareka yaBaba vedu. Panguva iyi musoro wake namaoko ake ose maviri zvakanga zvagurwa zviri pachikumbaridzo; muviri wake chete ndiwo wakanga wasara. 5Saka kusvikira nhasi vaprista vaDhagoni navose vanopinda mutemberi yaDhagoni muAshidhodhi havatsiki pachikumbaridzo chaDhagoni. 6Ruoko rwaBaba vedu rwakaremera kwazvo pamusoro pavanhu veAshidhodhi. Vakavaparadza vakavarova namamota—Ashidhodhi nenyika yakaripoteredza. 7Varume veAshidhodhi pavakaona izvi, vakati, “Areka yaMwari waIsraeri haifaniri kugara nesu; ruoko rwake rwakaoma pamusoro pedu nepamusoro paDhagoni mwari wedu.” 8Vakadana vatongi vose vavaFiristia, vakabvunza vachiti, “Toita sei neareka yaMwari waIsraeri?” Ivo vakapindura vachiti, “Areka yaMwari waIsraeri ngaiendeswe kuGati.” Saka vakaendesa areka yaMwari waIsraeri ikoko.
9Shure kwokuiendesa, ruoko rwaBaba vedu rwakarwisa gutawo iroro, rukakonzera kuvhunduka kukuru kwazvo. Vakarova vanhu varo, vaduku navakuru, mamota akabuda pavari. 10Saka vakaendesa areka yaBaba vedu kuEkironi. Asi payakasvika, vanhu veEkironi vakadanidzira vachiti, “Vauya neareka yaMwari waIsraeri kwatiri kuti vatiuraye isu navanhu vedu!”
11Saka vakaunganidza vatongi vose vavaFiristia, vakati, “Bvisai areka yaMwari waIsraeri; ngaidzokere kunzvimbo yayo, kuti irege kutiuraya isu navanhu vedu.” Kuvhunduka kunouraya kwakanga kwabata guta rose; ruoko rwaBaba vedu rwakanga ruchiremera kwazvo ipapo. 12Avo vasina kufa vakarohwa namamota, uye kuchema kweguta kwokukumbira rubatsiro kwakakwira kudenga.