Petro Anonyorera Vakapararira
Kurudziro kuvaKristu vanotambudzika nokuda kwokutenda kwavo, ichivayeuchidza tariro yavo mhenyu uye kuti ndivo vanhu vakasarudzwa vaBaba vedu.
1 1Petro, mupostori waJesu Kristu, kuvatorwa vakasarudzwa vakapararira muPonto, muGaratia, muKapadhokia, muAsia, nomuBhitinia. 2Vakasarudzwa maererano nokuziva kwaBaba vedu kwokutanga, vakaitwa vatsvene noMweya Mutsvene, kuti vateerere Jesu Kristu uye vasaswe neropa rake: nyasha norugare ngazviwedzerwe kwamuri.
Kuberekwa muTariro Mhenyu
3Ngavakudzwe Baba vedu, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu: netsitsi dzavo huru vakatipa kuberekwa patsva mutariro mhenyu kubudikidza nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, 4kunhaka isingatongoparari, isingaori, kana kupera, yakachengetedzwa kudenga nokuda kwenyu, 5makachengetedzwa nesimba raBaba vedu kubudikidza nokutenda, kuti muwane ruponeso rwakagadzirira kuratidzwa munguva yokupedzisira. 6Munofara kwazvo pamusoro peizvi, kunyange zvazvo iko zvino, kwenguva pfupi, muchinge matambudzika nemiedzo yakasiyana-siyana. 7Izvi zvakaitika kuti kutenda kwenyu—kwakaedzwa kukawanikwa kuri kwechokwadi, kunokosha kupfuura goridhe rinonatswa nomoto rinongoparara—kuuye nokurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pachaonekwa Jesu Kristu. 8Kunyange musina kumbomuona, munomuda; kunyange musingamuoni iko zvino, munovimba naye, muchifara nomufaro usingagoni kutaurwa uye uzere nokubwinya, 9nokuti muri kugamuchira chinangwa chokutenda kwenyu, iko kuponeswa kwemweya yenyu.
10Vaprofita vakataura nezvenyasha dzakanangana nemi vakaferefeta uye vakatsvakisisa pamusoro poruponeso urwu, 11vachitsvaka nguva nemamiriro ezvinhu Mweya waKristu waiva mavari waainongedzera, paakafanotaura nezvokutambudzika kwaKristu nokubwinya kwaizotevera. 12Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishandiri ivo pachavo asi imi, pavakataura nezvezvinhu izvi zvava kuziviswa kwamuri navaya vakakuparidzirai vhangeri noMweya Mutsvene wakatumwa uchibva kudenga. Kunyange ngirozi dzinoshuva kutarira mukati mezvinhu izvi.
Vakadanwa Kuti Vave Vatsvene
13Saka, pfungwa dzenyu dzakagadzirira kushanda uye makasvinura zvakakwana, isai tariro yenyu yose panyasha dzamuchaunzirwa pacharatidzwa Jesu Kristu. 14Savana vanoteerera, musarega muchiumbwa nokuchiva kwamaimbotevera mukusaziva kwenyu. 15Asi sezvo iye akakudanai ari mutsvene, nemiwo ivai vatsvene pane zvose zvamunoita;
16nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”
17Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa rimwe nerimwe vasingatsauri, pedzai nguva yenyu youtorwa pano muchitya nokuremekedza. 18Munoziva kuti sirivha negoridhe—zvinhu zvinoora—hazvina kukununurai kubva kuupenyu husina maturo hwamakagara nhaka kumadzitateguru enyu, 19asi makanunurwa neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina kuremara kana gwapa. 20Akasarudzwa nyika isati yavambwa, akaratidzwa munguva idzi dzokupedzisira nokuda kwenyu. 21Kubudikidza naye munotenda kuna Baba vedu, ivo vakamumutsa kubva kuvakafa uye vakamukudza, kuti kutenda netariro yenyu zvive muna Baba vedu.
22Zvamakachenesa mweya yenyu nokuteerera chokwadi kuti muve norudo rwechokwadi kuhama, idanai kwazvo mumwe nomumwe nomwoyo wakachena. 23Nokuti makaberekwa patsva—kwete nembeu inoora asi isingaori—kubudikidza neshoko raBaba vedu rinorarama uye rinogara. 24Nokuti, “Vanhu vose vakaita souswa, uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva esango; uswa hunooma uye maruva anodonha, 25asi shoko raBaba vedu rinogara nokusingaperi.” Uye iri ndiro shoko rakaparidzwa kwamuri.