Vatongi Vakaipa
Kumutungamiri wokuimba. Runoimbwa nomuimbiro we“Usaparadza.” RaDhavhidhi. Pisarema regoridhe.
Mhosva inopomerwa vatongi vanoita chisimba vari pachigaro chokutonga. Vanonzi vane uturu, matsi senyoka isingadi kunzwa rwiyo rwen'anga. Munyengetero unokumbira kuti meno avo aputswe, kuitira kuti vanhu vagotaura pachena kuti Baba vedu ndivo vanotonga nyika.
58 1Ko zvechokwadi munotema zvakarurama here, imi vatongi? Munotonga vana vavanhu nokururamisira here? a a v1 “Usaparadza” izita rorwiyo rwaiimbwa pisarema iri naro. 2Kwete, mumwoyo yenyu munoronga zvakaipa; maoko enyu anoparadzira chisimba munyika. 3Vakaipa vakatsauka kubvira muchizvaro; vanorasika kubvira pakuberekwa, vachitaura nhema. 4Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, semhungu matsi inovhara nzeve yayo, 5kuti irege kunzwa inzwi revanopingudza, kana romuroyi ane mano. 6Haiwa Baba vedu, vhunai mazino ari mumiromo yavo; dzurai mazino eshumba diki, imi Baba vedu! 7Ngavanyangarike semvura inoerera ichienda; Baba vedu pavanonanga miseve yavo, ngavapfupiswe. 8Sehozhwa inonyungudika painofamba, somwana anozvarwa akafa asingatongoni kuona zuva. 9Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa, dzingava nyoro kana dzichipfuta, vachavatsvairira kure. 10Vakarurama vachafara pavachaona kururamisirwa kwaitwa; vachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa. 11Uye vanhu vachati, “Zvirokwazvo kune mubayiro kune vakarurama; zvirokwazvo Baba vedu vanotonga nyika.”