Mambo Anofara
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
Vanhu vanopemberera mambo akakumbira upenyu akaupiwa, akasangana nemakomborero akawanda uye akashongedzwa korona yegoridhe. Chivimbo chake hachizorori pane zvaakaita iye pachake asi pakuvimba naBaba wedu, ruoko rwavo ruchawana munhu wose anoronga zvakaipa pamusoro pake.
21 1Haiwa Baba vedu, musimba renyu mambo anofara; mukuponesa kwenyu anopembera nomufaro mukuru sei! 2Makamupa chishuvo chomwoyo wake uye hamuna kumunyima zvakakumbirwa nemiromo yake kwamuri. 3Nokuti makauya kuzosangana naye nemaropafadzo makuru; makaisa korona yegoridhe rakaisvonaka pamusoro wake. 4Akakumbira upenyu kwamuri, uye makamupa iwo—mazuva marefu nokusingaperi-peri. a a v4 Chipo chamambo waDhavhidhi cho“upenyu nokusingaperi-peri” chinosvika pakuzara kwacho muna Jesu, Mambo akamuka uyo rufu rwakanga risingagoni kumubata. 5Mbiri yake ihuru nokuda kwokuponesa kwenyu; munomupa runako noushe. 6Zvirokwazvo makamupa maropafadzo asingaperi uye mukamufadza nomufaro wokuva pamberi penyu. 7Nokuti mambo anovimba naBaba vedu; nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro, Baba vedu, haangazununguswi.
8Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose; ruoko rwenyu rworudyi ruchabata avo vanokuvengai. 9Pamuchaonekwa muchavaita sevira romoto unopfuta. Baba vedu vachavamedza mukutsamwa kwavo, uye moto wavo uchavaparadza. 10Muchaparadza zvizvarwa zvavo panyika, vana vavo pakati porudzi rwavanhu. 11Kunyange vachikurongerai zvakaipa uye vachifunga mano, havangabudiriri. 12Nokuti muchaita kuti vafuratire pamuchananga miseve yenyu kuzviso zvavo.
13Simudzirwai, haiwa Baba vedu, musimba renyu! Tichaimba tichirumbidza simba renyu.