Baba Vanotonga Ruvengo Rwakare rwaEdhomu
Edhomu, paGomo reSeiri, yakachengeta ruvengo rwekare ndokuisa Israeri kumunondo pazuva renjodzi, ndokuzoti nyika mbiri dzakanga dzasiiwa dzisina vanhu ndedzayo. Baba vedu vanopindura kuti Edhomu ndiyo ichava isina chinhu, uye nokusingaperi.
35 1Shoko raBaba vedu rakasvika kwandiri, richiti:
2Mwanakomana womunhu, ringisa chiso chako kuGomo reSeiri, uporofite uchirirwisa. 3Uti kwariri: Zvanzi naIshe Baba: “Tarira, ndinorwa newe, iwe Gomo reSeiri. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuzorwa newe, ndigokuita dongo nematongo. 4Ndichaparadza maguta ako ave matongo, iwe ugova dongo. Ipapo uchaziva kuti ndini Baba.
5Nokuti wakanga une ruvengo rwakare, ukaisa vanhu veIsraeri kumunondo panguva yenjodzi yavo, panguva yakasvika kurangwa kwavo kokupedzisira,” 6naizvozvo, zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Baba, ndichakuisa kukudeurwa kweropa, uye kudeurwa kweropa kuchakutevera. Sezvo usina kuvenga kudeurwa kweropa, kudeurwa kweropa kuchakutevera. 7“Ndichaita Gomo reSeiri dongo rakaparadzwa, ndigogura kwariri vose vanouya nevanoenda. 8Ndichazadza makomo aro navakaurayiwa; pazvikomo zvako, mumipata, nomumihoronga yako yose, vakaurayiwa nomunondo vachawira. 9Ndichakuita dongo nokusingaperi; maguta ako haachazogarwi. Ipapo uchaziva kuti ndini Baba.
10Nokuti wakati, ‘Ndudzi mbiri idzi, nyika mbiri idzi dzichava dzangu; tichadzitora’—kunyange Baba vedu vakanga varipo,” 11naizvozvo, zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Baba, ndichakuitira sezvinoenderana nokutsamwa kwako negodo rako, zvawakaratidza pakuvenga kwako Israeri, uye ndichazvizivisa pakati pavanhu veIsraeri pandichakutonga.
12Ipapo uchaziva kuti ndini Baba. Ndakanzwa kuzvidza kwako kwose kwawakaita makomo aIsraeri, uchiti: “Aparadzwa, apiwa kwatiri kuti tiapedze.” 13Wakazvikudza pamusoro pangu nomuromo wako, ukawanza mashoko ako pamusoro pangu; ndakazvinzwa. 14Zvanzi naIshe Baba: Nyika yose payichafara, ndichakuita dongo. 15Sezvawakafara nokuda kwokuparadzwa kwenhaka yeimba yaIsraeri, saizvozvo ndichakuitira iwe. Uchava dongo, iwe Gomo reSeiri, neEdhomu rose, rose zvaro. Ipapo vachaziva kuti ndini Baba.