Dhavhidhi Anoyananisira Mhosva Yeropa yaSauro
Dhavhidhi anobvunza Baba vedu nezvenzara yamakore matatu uye anoudzwa nezvokuuraya kwakaita Sauro vaGibhiyoni; vazukuru vake vanomwe vanoturikwa. Rizipa anorinda zvitunha zvavo kuti shiri nezvikara zvisazvibata kusvikira mvura yanaya; Dhavhidhi anozviviga pamwe chete namapfupa aSauro. Ipapo hofori yechiFirisitia inoda kumuuraya.
21 1Zvino mumazuva aDhavhidhi kwakava nenzara kwemakore matatu, gore negore; saka Dhavhidhi akabvunza Baba vedu pamusoro pazvo. Baba vakati, “Pane mhosva yeropa pana Sauro nepaimba yake, nokuti akauraya vaGibhiyoni.”
2Saka mambo akadana vaGibhiyoni akataura navo. (VaGibhiyoni vakanga vasiri vaIsraeri asi vakanga vari vakasara vavaAmori; vaIsraeri vakanga vapika kuti vasavauraya, asi Sauro, nokuda kwokushingairira kwake vaIsraeri navaJudha, akanga atsvaka kuvauraya.). 3Dhavhidhi akabvunza vaGibhiyoni, “Ndingakuitirai chii? Ndingayananisa sei kuti muropafadze vanhu vaBaba vedu?”
4VaGibhiyoni vakati, “Hapana nyaya yesirivha kana yegoridhe pakati pedu naSauro kana imba yake, uye hatina kodzero yokuuraya munhu upi noupi muIsraeri.” Dhavhidhi akati, “Zvamunotaura zvose, ndichakuitirai.”
5Vakati kuna mambo, “Murume akatiparadza akaronga kutiparadza, kuti tirege kuva nenzvimbo yakasara chero kupi zvako munyika yavaIsraeri, 6varume vanomwe vezvizvarwa zvake ngavapiwe kwatiri, uye tichavaturika pamberi paJehovha paGibhea yaSauro, musanangurwa waJehovha.” Mambo akati, “Ndichavapa.”
7Asi mambo akarega Mefibhosheti, mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwemhiko yakaitwa pamberi paBaba vedu pakati paDhavhidhi naJonatani, mwanakomana waSauro. 8Asi mambo akatora Arimoni naMefibhosheti, vanakomana vaviri vaRizipa mwanasikana waAya waakaberekera Sauro, pamwe chete navanakomana vashanu vaMerabhi mwanasikana waSauro waakaberekera Adhirieri mwanakomana waBhazirai muMehora. 9Akavaisa mumaoko avaGibhiyoni, vakavaturika pagomo pamberi paBaba vedu; vose vari vanomwe vakawira pasi pamwe chete. Vakaurayiwa mumazuva okutanga okukohwa, pakutanga kokukohwa bhari.
10Ipapo Rizipa mwanasikana waAya akatora masaga akaawaridza padombo, kubvira pakutanga kokukohwa kusvikira mvura yanaya pamitumbi; masikati aidzinga shiri padziri, usiku mhuka dzesango. a a v10 Masaga aiva machira akagukuta, ane ruvara rwakasviba aipfekwa sechiratidzo chinoonekwa chokuchema nokusuwa. 11Dhavhidhi paakaudzwa zvakanga zvaitwa naRizipa mwanasikana waAya, murongo waSauro, 12akaenda kuvarume veJabheshi Giriyedhi akatora mapfupa aSauro neaJonatani mwanakomana wake, avakanga vabvisa muchivande pachivara cheBhetishani, pavakanga vaturikwa navaFiristia pazuva ravakauraya Sauro paGiribhoa. 13Akauya namapfupa aSauro neaJonatani mwanakomana wake kubva ikoko, uye vakaunganidza mapfupa avarume vakanga vaturikwa. 14Vakaviga mapfupa aSauro neaJonatani mwanakomana wake paZera munyika yaBhenjamini, muguva rababa vake Kishi, uye vakaita zvose zvakarayirwa namambo. Shure kweizvozvo, Baba vedu vakapindura minyengetero yenyika.
Varwi vaDhavhidhi Vanokunda Majombani avaFiristia
15Zvakare kwakava nehondo pakati pevaFiristia navaIsraeri. Dhavhidhi akaburuka navaranda vake kundorwa navaFiristia, uye akaneta. 16Ishibhi-bhenobhi, chizvarwa chaRafa aiva nomusoro wepfumo rake rendarira wairema anenge mapaundi manomwe nehafu, uye aiva nomunondo mutsva, akanga oda kuuraya Dhavhidhi. b b v16 Rafa aiva tateguru werudzi rwevarwi vakuru zvisina kujairika — majombani airwa pakati pavaFiristia. 17Asi Abhishai mwanakomana waZeruya akauya kuzobatsira Dhavhidhi, akarova muFiristia akamuuraya. Ipapo varume vaDhavhidhi vakapika kwaari vachiti, “Hamuchazombobudi nesu kundorwa, kuti murege kudzima mwenje wavaIsraeri.”
18Gare gare kwakava nehondo imwe navaFiristia paGobhi. Sibhekai muHusha akauraya Safi, mumwe wezvizvarwa zvaRafa. 19Kwakavazve nehondo imwe navaFiristia paGobhi, apo Erihanani mwanakomana waJaare-oregimi muBheterehema akauraya Goriyati muGiti, aiva norwiriko rwepfumo rwakanga rwakaita sedanda romuruki. 20Hondo yakamukazve paGati, apo paiva nomurume mukuru kwazvo aiva neminwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe nezvigunwe zvitanhatu patsoka imwe neimwe—makumi maviri namana pamwe chete; naiyewo akanga aberekwa naRafa. 21Zvino paakatuka vaIsraeri, Jonatani mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akamuuraya. 22Ava vana vaibva kuna Rafa muGati, uye vakawira pasi noruoko rwaDhavhidhi nerwavaranda vake.