Ndudzi Dzinorangana Kukurwisai
Rwiyo. Pisarema raAsafi.
Mubatanidzwa — Edhomu, Moabhu, Amoni, Asiria nevamwe — wabvumirana kudzima zita raIsraeri zvachose. Asafi anodudza rimwe nerimwe, anokumbira kukundwa kwakawira Midhiani, uye ipapo anokumbira nyadzi dzaizovaita kuti vatsvage zita raBaba vedu.
83 1Haiwa Baba vedu, musanyarara; musaramba makanyarara, kana kugara makadzikama, Haiwa Baba vedu. 2Nokuti tarirai, vavengi venyu vava kuita bope; vanokuvengai vasimudza misoro yavo. 3Pamusoro pavanhu venyu vanoita rangano dzokuvanda; vanorangana pamwe chete kurwisa avo vamunokoshesa. 4Vanoti, “Uyai, ngativaparadze sorudzi; zita raIsraeri ngarirege kuzorangarirwa zvachose.” 5Nomwoyo mumwe vanorangana; vanoita sungano yokukurwisai, 6matende eEdhomu navaIshumaeri, Moabhi navaHagiri, 7Gebhari naAmoni naAmareki, Firistia pamwe navagari veTire. 8Asiriawo yakabatana navo; vava ruoko rune simba rwavana vaRoti.
9Vaitirei sezvamakaitira vaMidhiani, sezvamakaitira Sisera naJabhini parwizi Kishoni, 10vakaparadzwa paEni-dhori vakava mupfudze wevhu. 11Itai vakuru vavo vafanane naOrebhi naZeebhi, machinda avo ose afanane naZebha naZarimuna, 12vakati, “Ngatizvitorere mafuro aMwari.” 13Haiwa Baba vangu, vaitei sehuruva inopepereswa, sehundi pamberi pemhepo. 14Somoto unopisa sango, sorimi romoto rinopisa makomo, 15saizvozvo vadzinganisei nedutu renyu, muvavhundutse nechamupupuri chenyu. 16Fukidzai zviso zvavo nenyadzi, kuti vatsvake zita renyu, Haiwa Baba vedu. 17Ngavanyadziswe uye vavhundutswe nokusingaperi; ngavaparare vari mukunyadziswa, 18kuti vazive kuti imi moga, mune zita rinonzi Baba vedu, ndimi Wokumusoro-soro pamusoro penyika yose.