Chipo Chinobva kuBhabhironi
Afadzwa nokukudzwa nenhume dzaibva kuBhabhironi, Hezekia anodziratidza zvinhu zvose zvaanazvo. Isaya anouya neshoko raBaba vedu kuti zvose izvi, pamwe navanakomana vake, zvichaguma zviri muBhabhironi. Hezekia anoti shoko iri rakanaka — nokuti kurasikirwa kuchauya mushure moupenyu hwake. Mhinduro iyi inosiiwa yakadaro pasina zvinotaurwa pamusoro payo.
39 1Panguva iyoyo Merodhaki-bharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatumira matsamba nechipo kuna Hezekia, sezvo akanga anzwa kuti Hezekia vakanga varwara vakapora. 2Hezekia vakavagamuchira nomufaro vakavaratidza imba yavo yepfuma—sirivha, goridhe, zvinonhuhwirira, mafuta akanaka, nhumbi dzavo dzose dzokurwa, nezvose zvaiva mumatura avo. Hapana chinhu chaiva mumba mavo kana muumambo hwavo Hezekia chavasina kuvaratidza. 3Ipapo Isaya muprofita vakauya kuna Mambo Hezekia vakabvunza vakati, “Varume ava vati kudii, uye vabvepi?” Hezekia vakati, “Vabva kunyika iri kure, kuBhabhironi.”
4Vakabvunza vakati, “Maonei mumba menyu?” Hezekia vakapindura vakati, “Vaona zvinhu zvose zviri mumba mangu. Hapana chinhu mumatura angu chandisina kuvaratidza.”
5Ipapo Isaya vakati kuna Hezekia, “Inzwai shoko raBaba vehondo dzokudenga:
6Mazuva ari kuuya apo zvinhu zvose zviri mumba menyu, zvose madzibaba enyu avakachengeta kusvikira zvino, zvichatakurirwa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Baba vedu. 7Vamwe vavanakomana venyu chaivo, ivo vana vamunobereka, vachatorwa kuti vave machinda mumuzinda wamambo weBhabhironi.”
8Ipapo Hezekia vakati kuna Isaya, “Shoko raBaba vedu ramataura rakanaka.” Nokuti vakafunga kuti, “Pachava norugare nokuchengeteka pamazuva oupenyu hwangu.”