Nhoroondo yaBaba vedu Inotanga: Kubva kuna Adhamu kusvika kuna Abhurahama
Nhau yaIsraeri inotaurwazve kuburikidza nokutonga kwaDhavhidhi, kunamata kuri pakati payo. Mukati memadzinza nenziyo mune chipikirwa chaBaba kumwanakomana wavo, uye kukoka kuti tivatsvake.
1 1Adhamu, Seti, Enoshi, 2Kenani, Maharareri, Jaredhi, 3Enoki, Metusera, Rameki, 4Noa, Shemu, Hamu, naJafeti.
5Vanakomana vaJafeti: Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Tubhari, Mesheki, naTirasi. 6Vanakomana vaGomeri: Ashikenazi, Dhifati, naTogarima. 7Vanakomana vaJavhani: Erisha, Tashishi, vaKitimu, navaRodhanimu.
8Vanakomana vaHamu: Kushi, Miziraimu, Puti, naKanani. 9Vanakomana vaKushi: Sebha, Havhira, Sabhata, Raama, naSabhiteka. Vanakomana vaRaama: Shebha naDhedhani. 10Kushi akabereka Nimurodhi; ndiye akatanga kuva munhu ane simba panyika. 11Miziraimu akabereka vaRudhimu, vaAnamimu, vaRehabhimu, vaNafituhimu, 12vaPaturusimu, vaKasiruhimu (kwakabva vaFiristia), navaKafitorimu. 13Kanani akabereka Sidhoni dangwe rake, naHeti, 14navaJebhusi, vaAmori, vaGirigashi, 15vaHivhi, vaAriki, vaSini, 16vaArivhadhi, vaZemari, navaHamati.
17Vanakomana vaShemu: Eramu, Ashuri, Arifakisadhi, Rudhi, naAramu; uye vanakomana vaAramu: Uzi, Huri, Geteri, naMesheki. 18Arifakisadhi akabereka Shera, uye Shera akabereka Ebheri. 19Ebheri akanga ane vanakomana vaviri: mumwe ainzi Peregi, nokuti panguva yake nyika yakakamurwa, uye mununʼuna wake ainzi Jokitani. 20Jokitani akabereka Arimodhadhi, Sherefi, Hazarimavheti, Jera, 21Hadhoramu, Uzari, Dhikira, 22Ebhari, Abhimaeri, Shebha, 23Ofiri, Havhira, naJobhabhi. Vose ava vaiva vanakomana vaJokitani. 24Shemu, Arifakisadhi, Shera, 25Ebheri, Peregi, Reu, 26Serugi, Nahori, Tera, 27Abhuramu, ndiye Abhurahama.
Chivimbiso chaBaba Kubudikidza naAbhurahama
28Vanakomana vaAbhurahama: Isaka naIshumaeri. 29Idzi ndidzo nhoroondo dzemhuri yavo: dangwe raIshumaeri, Nebhayoti; tevere Kedhari, Adhibheeri, Mibhisamu, 30Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema, 31Jeturi, Nafishi, naKedhema. Ava ndivo vanakomana vaIshumaeri.
32Ketura, murongo waAbhurahama, akabereka Zimurani, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki, naShua. Vanakomana vaJokishani: Shebha naDhedhani. 33Vanakomana vaMidhiani: Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha, naEridha. Vose ava vaiva vanakomana vaKetura.
34Abhurahama akabereka Isaka. Vanakomana vaIsaka: Esau naIsraeri.
Vanakomana vaEsau
35Vanakomana vaEsau: Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora. 36Vanakomana vaErifazi: Temani, Omari, Zefi, Gatamu, Kenazi, Timuna, naAmareki. 37Vanakomana vaReueri: Nahati, Zera, Shama, naMiza.
38Vanakomana vaSeiri: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri, naDhishani. 39Vanakomana vaRotani: Hori naHomamu; uye hanzvadzi yaRotani yaiva Timuna. 40Vanakomana vaShobhari: Ariani, Manahati, Ebhari, Shefi, naOnamu. Vanakomana vaZibheoni: Aya naAna. 41Vanakomana vaAna: Dhishoni. Vanakomana vaDhishoni: Hamurani, Eshibhani, Itirani, naKerani. 42Vanakomana vaEzeri: Bhirihani, Zaavhani, naJaakani. Vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.
43Aya ndiwo madzimambo akatonga munyika yeEdhomu mambo asati atonga vaIsraeri: Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha. 44Bhera paakafa, Jobhabhi mwanakomana waZera weBhozira akatonga panzvimbo yake. 45Jobhabhi paakafa, Hushamu wenyika yavaTemani akatonga panzvimbo yake. 46Hushamu akafa; Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, akakunda Midhiani munyika yaMoabhu, akatonga panzvimbo yake; guta rake rainzi Avhiti. 47Hadhadhi paakafa, Samira weMasireka akatonga panzvimbo yake. 48Samira paakafa, Shauri weRehobhoti iri parwizi akatonga panzvimbo yake. 49Shauri paakafa, Bhaari-hanani mwanakomana waAkibhori akatonga panzvimbo yake. 50Bhaari-hanani akafa; Hadhadhi akatonga panzvimbo yake. Guta rake rainzi Pai; mukadzi wake ainzi Mehetabheri, mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-zahabhu. 51Zvino Hadhadhi akafa. Madzishe eEdhomu aiva: ishe Timuna, ishe Aria, ishe Jeteti, 52ishe Ohoribhama, ishe Era, ishe Pinoni, 53ishe Kenazi, ishe Temani, ishe Mibhizari, 54ishe Magidhieri, ishe Iramu. Aya ndiwo aiva madzishe eEdhomu.